Mukadzi abatwa aine guka, bronco

Fidelis Chavarike

MUKADZI ane makore 37 okuberekwa wekuArea 16 kuDangamvura, kwaMutare akamiswa mudare reko achipomerwa mhosva yekuwanikwa aine mushonga wechikosoro webroncleer pamwe neCrystal methamphetamine iyo inozivikanwa zvekare seguka kana kuti mutoriro.

Pedzisai Sheena Sangaza akamiswa pamberi pemutongi VaTendai Mahwe vedare reMutare Magistrates Court achipomerwa mhosva yekutyora chikamu chemutemo weSection 157(1)(a) of the Criminal Law (Codification and Reform) Act (Chapter 09:23) and Section 29(1a) of the Medicines and Allied Substances Control Act (Chapter 15:03).

Muchuchisi, Mai Sharon Mlambo, vakaudza dare kuti nemusi wa24 Ndira gore rino, Sangaza akabatwa aine broncleer pamwe chete nemethamphetamine kumba kwake kuDangamvura.

“Mabhodhoro anosvika 55.22g emethamphetamine nemabhodhoro e7x100ml ebroncleer cough syrup ane ‘codeine’, inova mishonga isina kunyoreswa muZimbabwe, akatorwa kumba kwake ndokuendeswa kumahofisi eCID Drugs and Narcotics Manicaland kwaMutare,” vanodaro.

Muzvare Mlambo vanoenderera mberi vachiti Sangaza akapa mashoko emanyepo kumatikitivha achiti anonzi Sheena Mugwagwa.

Sangaza achadzoka kudare nemusi wa3 Chikunguru apo ari kutongwa achibva kunze zvichitevera kubvisa bhero kwaakaita.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *