Vana vaGringo vosimudzira chipo chababa

Kingstone Mapupu

MHURI yemuchakabvu aiva nyanzvi yemadhirama, Lazarus ‘Gringo’ Boora yoita chirwirangwe munyaya dzekusimudzira basa rababa vavo kuti rirambe richienderera mberi zvichitevera vanakomana vaviri vari kuita zvinorova mumitambo iyi.

Onias Boora (32) nemumwe wevanin’ina vake, Taurai Lazarus Boora kana kuti Gringo Jnr (30) ndivo vari kusimudzira chipo chababa vavo.

Achitaura panhare ari kumusha kwavo kwaRukweza kwaRusape uko ari kugara, Onias anoti nhaka yababa vavo iri mumaoko akanaka nekudaro haimbofa yakaparara.

“Kushaika kwababa vedu kwakatirwadza zvikuru tose semhuri, kurasikirwa kukuru kwemusimboti wemusha. Vakasiya mbiri yekugona kwavo basa rekuita mitambo yekutevedzera nekuimba saka isu sevana vavo tinovaremekedza nekuramba tichisimudzira chipo chavo chavakatisiira. Munin’ina wangu, Taurai Boora, akatora zita rababa rekuti Gringo nekudaro ari kurova nekwake iniwo ndichitsemura nekwangu. Chimuti ichi takachibata kuti dzvii, inguva chete mudhara Gringo mweya wavo unofara vari kwavari tichitevedza tsoka dzavo. Tinokumbira kutsigirwa chete,” anodaro Onias.

Anoti kubva paakaberekwa mugore ra1992 kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals muguta reHarare, ainge akangopfumbata chipo chekuimba nekuita mitambo yemadhirama.

Anoti baba vake vakasvika pachipatara apa ndokutanga kupemberera kuberekwa kwake vachiita zvemadhirama izvo zvakafadza vakoti nemachiremba.

“Musi wa2 Gumiguru mugore ra1992, rakava zuva rezvisetswa nekupemberera pachipatara ichi apo baba vangu vanonzi vakasvika vachipemberera kuzvarwa kwangu nekuita madhirama. Ndakura, ndakazoenda kuchikoro cheChikobvore Primary ndokuzoenderera mberi uko ndaiita zvemadhirama kuchikoro ikoko zvaitozivikanwa nevadzidzisi,” anodaro Onias.

Anoti mubasa iri ari kubatsirwa nemunin’ina wake, Taurai, sezvo pane humwe hunyanzvi hunodiwa.

“Ndakanyora mitambo ndikatoitsikisa iyo inosanganisira unonzi ‘Ndiyani Ane Mhosva’. Ndakaimbawo nemuimbi anonzi Sir Nodza aigara kuNyabira, ndine rimwe dhirama zvakare rinonzi ‘Guga’ rinofarirwa zvikuru. Mamwe madhirama angu matsva andakanyora anosanganisira anoti ‘Zviri Mudzimba’ (Today’s Family),” anodaro Onias.

Anokumbira kune vose vanogona kuvabatsira semhuri kuti vatambanudze maoko avo pamwe neruzivo kwavari kuti chipo chababa vavo chienderere mberi.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×