Munin’ina apondera mukoma mudzimai

Liberty Dube

MUNYAYA inokahadzisa zvakanyanya, iyo yakasiya vanhu vemunharaunda yekwaMarange vasina remuromo, murume ane makore 30 okuberekwa svondo radarika akaita zvisingafungidzirwe ndokurova mukoma wake nesimbi kusvika pakufa nekuda kwekuti aive nefungidziro yekuti aidanana nemudzimai wake.

Moses Farai Mushukuto (30) anonzi aigara achifungira kuti mudzimai wake, Leanne Geja (22), ari murudo nemukoma wake, Danai Mushukuto (42), mushure mezvo ndokuzovaona vakamira munzira husiku vachikurukura.

Izvi hazvina kufadza, Moses uyo akange akapakatira simbi ndokubva arova Danai kakawanda muviri wese.

Akaenderera mberi nekumudzipa.

Humhondi hunotyisa uhwu hwakaitika mumusha waMukosho kwaMambo Marange.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti Moses akatosungwa.

“Musi wa3 Chikumi nenguva dza8pm, Moses  akaenda kumba kwake asina kuzivisa mudzimai wake nezvekushanya kwake. Akasvikowana mudzimai wake asiri pamba, asi akanga ari kumba kwaamai vake mumusha mumwe chete uyu,” vanodaro.

Asst Insp Chinyoka vanoti Moses akabva atora simbi ndokuenda kumba kwaamai vemudzimai wake.

Paaive munzira, akabva aona Danai akamira nemudzimai wake vachikurukura.

“Kuita uku hakuna kufadza Moses anova akazoponda mukoma wake nesimbi asi mudzimai wake akabva atiza murima,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Amai vevanakomana vaviri ava, Susan Kwafiwa,  pamwe nemudzimai waDanai – Grace Chadambuka naBest Mushukuto, vakanzwa mhere-mhere, vakamhanyira panzvimbo iyi, inova  iri chinhambwe chingangoita mamita mazana matatu kubva pamba pavo.

“Vakasvikowana Moses achirova mukoma wake nesimbi zvakasimba. Best Mushukuto akabva amutorera simbi iya ndokuikanda kure. Moses akabva abata Best pahuro achimudzipa. Amai vake pamwe nemudzimai wake vakamukumbira kuti aregedze kurwisa mushakabvu uye Moses achibva atiza nemurima,” vanodaro.

Kwafiwa naChadambuka vakatakura Danai vakaenda naye kumba kwavo nebhara sezvo akanga asisatauri uye achibuda ropa mumusoro.

Hanzvadzi yemushakabvu, Linda Kanonga, akaridzirwa nhare ndokuudzwa nezvechiitiko ichi akanzi auye nemotokari inotakura Danai kuenda kuchipatara.

Danai akafira kumba kwake asati aendeswa kuchipatara kunorapwa.

Mapurisa akazonyeverwa, vanhu vemuraini vakaungana ndokutevera Moses achibva abatwa ndokuiswa mumaoko emapurisa.

“Tinomhura zvikuru hutsinye uhwu hwemhirizhonga, hapana ane kodzero yekutora mutemo achiisa mumaoko ake. Murume uyu akasungwa. Mhirizhonga haina kunaka munharaunda medu uye tinoramba takazvipira kuchengetedza mutemo,”  vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *