Mukadzi akaenda natezvara

nyundoYvonne Chipato
MUKUWASHA wekutorerwa mukadzi wake natezvara achinzi murombo akazomuka chibhebhenenga achivashungurudza pamwe nekuvatyisidzira kuti vamudzosere mudzimai uyu izvo zvakaita kuti azoendeswa kumatare.

Tirivanhu Churu akamhan’arira mukuwasha wake, Charles Zengeya, kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza. “Ndashaiswa rugare nemukuwasha wangu, anouya pamba pangu achitaura mashoko akashata pamberi pemhuri nevavakidzani vangu. Ndakatora mwana wangu kwaari nekuda kwekuti aisagara naye zvakanaka, aisandiremekedza savatezvara vake. Zvino ouya pamba pangu kuzondityisidzira,” akadaro Churu.

“Kubva achigara nemwana wangu haana kubvira asvika pamba pangu kuzondionawo sababa vake, akangouya kamwe chete bedzi pakashaika mwana wake. Asi iye zvino ondishayisa rugare, anouya zuva nezuva achinditukirira uye kundimanikidza kuti ndimupe mwana wangu.

“Ndinokumbirisawo kuti dare rigamuchire chikumbiro changu chegwaro redziviriro nekuti handichina rugare pamba pangu nekuda kwaZengeya. Anondituka achiita zvekushevedzera achiti anoda mukadzi nemwana wake uye ndikasamupa aizondigadzirisa,” akadaro Churu.

Zengeya akaramba zvaitaurwa naChuru achiti: “Baba ava vanondinyepera, ndinovaremekedza. Ndakapedzisira kuenda kumba kwavo muna Ndira gore rakapera pakashaika mwana wangu.

“Handiende kumba kwavo kunovatuka kana kuvatyisidzira asi ivo ndivo vakanditorera mukadzi wangu vachiti ndiri murombo handikwanise kuchengeta mwana wavo.“Mwana  wavo akatora midziyo yose yemumba akandisiya ndisina kana poto chaiyo yekubikira kana jira zvaro rekufuga. Asi ndinoedza kutaura navo kuti ndichiri kuda mhuri yangu, handina kurambana nemukadzi wangu.”

Mutongi Tatenda Manhanzva akapa Churu gwaro redziviriro akati vaviri ava vagare murunyararo.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×