Akapondwa nechikomba chemukadzi

Top3
Ishe Mapanzure

Kingstone Mapupu
MUTUMBI wemurume anofungidzirwa kuti akafa nekupondwa nechikomba chemudzimai wake panzvimbo inozivikanwa nekuti paMakorokoza, kwaBvute kuMberengwa, wakaita mazuva mapfumbamwe usati wavigwa nekuda kwemakakatanwa apo hama dzemuchakabvu dzaida kuripwa. Ostern Madhange (38), uyo aibva kwaDandawa, kuHurungwe, anonzi akapondwa nechikomba chemudzimai wake, Takaitei Manyevere (36), kunzvimbo inokorokozwa goridhe iyi.

Akazovigirwa kumatongo emhuri iyi kwaMapuvire, kwaChivi musi wa5 Nyamavhuvhu paine kusawirirana kukuru apo mutumbi uyu waiva wapedza mazuva wakachengetwa kumochari yechipatara cheMberengwa.

Madhange akazovigwa mushure mekunge nyaya iyi yapindirwa naMambo Mapanzure, VaCollin Chimhofu (41), avo vane nzvimbo inogara mhuri yemurume ari kupomerwa kuti ndiye akaponda.

Vemhuri yemunhu ari kupomerwa kuponda nehama dzemufi vakazotaurirana ndokuwirirana kuti paripwe nemombe 16, kutenga bhokisi rekuvigisa mufi uye kutakura vanhu panhamo iyi. Izvi zvinonzi zvakazadziswa muchidimbu, mufi ndokunovigwa.

Asi hama dzemurume ari kupomerwa kuponda dzinonzi dzakazotiza panhamo iyi vanhu vari mubishi kuonekana nechitunha apo vakanzi vaende vanoona maronda nekupwanyika kwaiva kwakaita musoro wemushakabvu.

Panguva iyi, vanonzi vakafungira kuti vaida kushandisirwa mishonga yekuti mufi azopfuka, vachibva vangoita bararamhanya kutiza. Izvi zvakazoita kuti hama dzemushakabvu dzishaye chekufambisa kudzokera kuHurungwe sezvo vakasara vasina motokari dzekuvatakura sekuvimbisana uko vakanga vaita nevemhuri ine munhu ari kunzi ndiye mhondi.

Madhange anonzi akapondwa nemusi wa27 Chikunguru panzvimbo inonwirwa doro nemakorokoza. Mukubuda kwenyaya iyi, Madhange anonzi nguva yadarika akaenda kuMberengwa nemudzimai wake vachinokorokoza goridhe, uko akazonorohwa nemunhu anofungidzirwa kuti chikomba chemukadzi wake achibva afa.

Mambo Mapanzure vanoti havana kutonga nyaya iyi asi kuti vakangosanganisa mhuri mbiri idzi kuti dzitaurirane bedzi.

“Zvandakanzwa ini samambo zvinonzi mudzimai waOstern aiva akamira nemumwe murume akabatwa muchiuno apo muchakabvu akasvikobvunza kuti sei murume uyu aibata mudzimai wake kudaro. Murume uyu ndipo paanonzi akatanga kurova muchakabvu nezvibhakera nembama mumusoro uyo akabva apunzika ndokuzoendeswa kuchipatara cheMberengwa uko akasvika achifa,” vakadaro mambo ava.

Zvinonzi murume uyu asati arova Madhange, akatanga amupindura kuti aisaziva kuti Manyevere ane murume.
Manyevere anonzi ari kubvuma kuti murume wake akauraiwa mumaziso make apo anoti pakaitika nyaya iyi akatizira mumba nekutya.

Vemhuri yekwaNdlovu, uko kune anofungidzirwa kuti ndiye akaponda (zita tinaro), vanonzi vakazobhadhara mombe shanu iri mari yaisvika US$2 000. Izvi zvinoreva kuti kwakasara mombe pfumbamwe.

Munin’ina wemuchakabvu, VaMike Madhange (37), vakatsinhira kuripwa nemombe shanu vachiti vamirira kupihwa dzimwe 9 dzakasara. Vakati: “Takamuviga mukomana kuno kwaChivi, inyaya inotirwadza zvikuru.”

Vamwe vemhuri yekwaMadhange vainge vamboonekwa kuZvishavane apo vaiva vachiramwa kuviga hama yavo vachida kutanga varipwa uyewo nekuti vanzwisise mafiro akaita mushakabvu.

Mukoma wemufi, VaManuel Madhange (41), vanoti vakanzwa kuti munin’ina wavo akawana mudzimai wake aine chikomba achibva atanga kurova mukadzi uyu izvo zvakazoita kuti chikomba chipindire.

“Nyaya iyi iri mumawoko emapurisa ekuMberengwa, izvi isu tiri kuita zvekutaurirwa,” vakadaro.

Cain Madhange (45) akatiwo vakashamiswa zvikuru kunzwa kuti mainini vavo vakawanikidzwa vaine chikomba izvo zvakazokonzera rufu urwu.

“Munin’ina wangu ane vana 4 nemukadzi uyu. Vakabva kumusha kuHurungwe vachienda kunochera goridhe kuMberengwa asi takazongofonerwa tiri kumusha naivo mainini kuti munin’ina wenyu afa,” vakadaro.

Vanoti pakaongororwa mutumbi wemuchakabvu nanachiremba, zvakaonekwa kuti uropi hwake hwakasangana neropa nekuda kwekurohwa uku.

Mudzimai wemufi uyu anobva kwaMadzivadondo, kwaChivi.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naManyevere pamusoro penyaya iyi kusvikira pakudhindwa kwenyaya ino.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Joel Goko, vakati vachiri kuferefeta nyaya iyi.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×