Lovemore Kadzura
IMBA yemumwe murume wekuNyanga yaparara mushure mokunge mudzimai wake adanana nemunin’ina wasaimba ava, nyaya yacho ikatopinda mudare reko.
Nyaya iyi yakanzwikwa nedare raMambo Hata, apo Peter Munazvo akamhan’arira munin’ina wake Amos Munazvo, achimupomera mhosva yekudanana nemudzimai wake Maria Mandikonza, achiti izvi zvakaita kuti wanano yavo iparare.
Peter akati nyaya iyi yakatanga muna 2010 apo Amos akatamira kumba kwake, achitsvaga basa.
“Ndaigara nemukadzi wangu tichishanda muHarare apo Amos akakumbira kugara nesu apo aitsvaga basa. Chakandishamisa ndechokuti akatanga kudanana nemukadzi wangu ini ndiri kubasa,” akadaro Peter.
Akati Maria akazobvuma nyaya iyi, izvo zvakazoita kuti aipire kuchechi nechinangwa chokuti vakuru veko vabatsire pakuigadzirisa.
“Nyaya iyi yakaendeswa kuchechi, uko takanotsiurwa. Vaviri ava ndakavaregerera mushure mokunge vavimbisa kuti havaizoenderera mberi nerudo rwavo,” akadaro.
Peter akati, zvisinei, rudo pakati pevaviri ava rwakaramba rwuchibhebha apo akaenda kuSouth Africa muna 2020.
Ari kunze kwenyika kudaro, akagamuchira shoko raishungurudza kubva kune imwe hama yechikuru gore rakatevera racho.
“Mukoma vakandiudza kuti Amos airwara zvakanyanya uye aida kureurura. Akabvuma kuti akarara nemudzimai wangu ndisipo uye akati aidanana zvakare nevamwe vakadzi vaviri voukama. Pandakabvunza mudzimai wangu, akabvuma kuti vaidanana uye akanditi ndisiyane naye,” akadaro.
Peter anoti akaedza kuputsa muchato uyu muna 2022, asi vemhuri vakapokana nazvo, vakasarudza kuti nyaya iyi igadziriswe kuburikidza nekupangana mazano.
“(Maria) akaramba kubva kunyangwe zvazvo tainge taparadzana, achida kuramba achigara naAmos. Aisada kudzokera kumba kwevabereki vake. Mapurisa akazotipa zano rokuti tisvitse nyaya iyi kudare renharaunda ino,” akadaro.
Paakapiwa mukana wekupindura, Amos haana kuramba mhosva.
“Ichokwadi kuti ndinodanana nemukadzi wemukoma wangu. Kana achida ndinogona kumutora semudzimai wangu,” akadaro, izvo zvakakahadzisa dare.
Maria akabudawo pachena nezverudo rwaanarwo kuna Amos uye akapomera Peter kuti akanga asina hanyn’a naye uye nemhuri.
Akati Peter haana kumutsigira zvakakwana paaishanda kuSouth Africa uye akanga ofunga nezvemumwe mudzimai.
“Ndinogona kugara naAmos kana achindida. Murume wangu akasiya basa rake kare kare. Paaiva kuSouth Africa, aitumira mari shomashoma yekundichengeta nayo. Iye zvino pfungwa dzake dziri pamukadzi wake mutsva,” akadaro.
Mushure mekunzwa mashoko kubva kumativi ose, Mambo Hata vakayambira Peter kuti agure muchato zviri pamutemo nekubvisa gupuro pamberi pehama dzaMaria dzaive mudare.
Mambo vakazoudza Peter kuti aperekedze Maria kumba kwevabereki vake.
Vakawana Amos aine mhosva yemakunakuna, inova tsika yekuita bonde nehama yepedyo, ndokumubhadharisa mombe imwe chete.