Mukadzi wangu ane kamweya

Kwamuri tete
Ndiri murume ane makore 28 okuzvarwa uye ndakaroora. Ndine mwana mumwe chete. Dambudziko riri pamudzimai wangu, tete kunyangwe akageza zvakadii, akagera vhudzi kana neremuhapwa make, kunyange aise zvinonhuhwira, ane kahwema kanobuda pamuviri wake kanotondimisa moyo. Chero tave kusangana anototanga ageza asi hakapere.

Akakura achirerwa nevabereki vake.

Angabatsirika sei mukadzi uyu nhai tete? Mweya uyu unodzinga murume pabonde nemumba zvose.

Ndibatsireiwo tete.

Jay Jay Tekere.
Mutare.

MHINDURO:

Iri harisi dambudziko guru muzukuru, zvinogadzirika. Hakusi kwekuti iwewe muzukuru wave nepamwe patora moyo wako here?

Nokuti zvandinoziva kana vanhu muri panguva yekupanana rudo, zvakawanda hauzvinzwe, uyezve hauna kunge wataura kuti wakatanga kuzvinzwa rinhi. Wainge usingazvinzwe here panguva yose yamagara dakara kuita mwana?
Zano randinokupa nderekuti iwewe ida mukadzi wako semadiro awaimuita pakutanga.

Kune vanhu vanokwanisa kumubikira mushonga vomugeza, nokuti pamwe mudzimai wako aidya mudzimba dzevanhu, kupfekedzana mbatya nevanhu kana kuti kurara mudzimba dzevanhu.

Hurwere ihwohwo hwunonzi hudzi, anonzi ari kunhuwa hudzi.

Tsvaga vana ambuya vanomugeza nemishonga inosanganiswa nemakoko emupoto yarara yakabikirwa sadza.

Zvinopera usatye zvako, ida mudzimai wako.

Ndinokurudzira vazukuru vangu mose kuti musamhanya kufunga zvimwe zvisina basa kana paita dambudziko, tsvagai vanokupai mazano akanaka anovaka misha yenyu.

Kana muchidanana mutomira mira kuti rudo rusaparare.

Tete.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×