‘Mukadzi wangu igororo’

Trymore Muvhawa—

MUMWE murume ochema-chema kuti ari kuoneswa pfumvu neaimbove mukadzi wake uyo waanoti anomubira mari yake kubhanga nekugara achimuvimbisa rufu.

Tencern Pakarimwa akamhan’arira Netsai Nyamande kuHarare Civil Court achiti: “Ndatambudzwa zvikuru nemaitiro emukadzi uyu, aimbova mudzimai wangu saka kutaura kuno ane tsika yekuba mari yangu mubhanga kana paEcoCash sezvo achiziva pini nhamba yangu.

“Ndakamha’ara nyaya iyi kumapurisa asi vakanditi titaurirane sezvo aimbova mudzimai wangu. Pandaigara naye aive netsika yekuba midziyo mumba achitengesa uye ndaiti ndikamupa mari yechikafu kana yevana yechikoro, aishandisa zvake zvemusoro wake.”

Pakarimwa akati pavaigara vose, Nyamande akambomuudza kuti anoda kumuuraya nekumuisira mushonga wemakonzo muchikafu.

“Akati anoda kundiuraya nemushonga wemakonzo saka ndinotya zvikuru. Anondituka uye ane tsika yekuda kumanikidzira kugara neni ini ndakamuramba,” akadaro Pakarimwa.

Nyamande akataurira dare kuti haabe mari yaPakarimwa.

“Murume uyu anonyepa, handimubire asi kuti iye akatombondirova akazosungwa nemapurisa akapihwa mutongo wekufondokera mahara.

“Taimbotukana semukadzi nemurume asi kwete kumubira kana kumutyisidzira nerufu sezvaareva,” akadaro Nyamande.

Mutongi Yeukai Dzuda akarasa chikumbiro chaPakarimwa achipa chikonzero chekuti nyaya dzekubirana hadzitongwe mudare iri uye zviri kupomerwa Nyamande zvakaitika vasati varambana.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *