Zvikwereti zvevadzidzi zvadzoka

HURUMENDE inoti kutanga gore ra2017 iri kudzosa chirongwa chekubatsira vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji vanobva kumhuri dzinotambura pamwe nenherera nemari yedzidzo (students loans and grants) nechinangwa chekusimudzira fundo muZimbabwe.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Jonathan Moyo, nguva pfupi yadarika pamusangano mukuru weZANU-PF Annual National People’s Conference uyo wakaitirwa kuMasvingo.

Prof Moyo vanoti hurongwa hwekudzoswa kwechirongwa ichi hwave padanho repamusoro.

“Bazi redu rakatotaura nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) kuti ringe richiona nezvechirongwa chemari ichapihwa kuvadzidzi sezvikwereti uye zvichaitwa kuburikidza nemabhanga kuti vange vachiwaniswa mari iyi,” vanodaro Prof Moyo.

Vanoti chirongwa ichi chichabatsira vabereki nevamwe vachengeti vevadzidzi avo vari kunetseka kuti vange vachibhadhara mari dzedzidzo yepamusoro yevana vavo.

Chirongwa ichi chakambomiswa mugore ra2006 nekuda kwekunetsa kwaiita mari uye chakatsiviwa necheCadetship muna 2010.

Zvisinei, chirongwa cheCadetship hachina kuzofambira mberi zvakare nekuda kwematambudziko ane chekuita nemamiriro upfumi hwenyika izvo zvakaita kuti mari inge ichinetsa kuwana.

Izvi zvakaita kuti vamwe vadzidzi vakundikane kunyora bvunzo dzavo nekuda kwekushaya mari iyo yavaifanira kubhadharirwa pasi pechirongwa ichi.

Zvakadaro, Prof Moyo vanoti hapana budiriro ingavepo munyaya dzekusimudzirwa kwemaindasitiri neupfumi hwenyika kana vashandi vanofanira kunge vachipinda mumaindasitiri iwayo vasina kuwaniswa ruzivo rwemabatirwo emabasa emumakambani akazvimiririra kana everuzhinji. —The Herald

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *