‘Mukadzi wangu ndinotomutya’

Milcah Nhakura
MURUME samusha wekwaMutoko anoti asvika pakutotya mudzimai wake uyo waanoti anogara achimurikita kumurova sezvo ari kuramba kurambwa.

Takundwa Nyogodo akaendesa Tariro Madziva kudare reHarare Civil Court achiti apfidza nekugara achirohwa.

“Changamire, ini handichada mudzimai uyu. Takarambana munaKukadzi gore rapera asi anoramba kurambwa. Mudzimai uyu munhu anofarira zvejambanja, izvizvo ndizvo zvaita kuti ndiuye kudare kuzokumbira gwaro redziviriro nekuti ini zvose nemapurisa tamutadza.”

Anoti paakaramba Madziva, akazouya nehanzvadzi dzake ndokumuzvambaradza.

“Pandakamuramba, akazouya nehanzvadzi dzake vakandizvambaradza, kundisiya ndichiita sendichafa. Pavakandirova ipapo, vakatora midziyo yangu ndokuenda nayo. Izvozvi akadzoka kumba kwangu, ndinokumbirazve kuti abude uyezve asadzoke. Kana kubasa kwangu handidi kumuona nekuti ndinotomutya,” anodaro Nyogodo.

Madziva anoti zvose zviri kutaurwa naNyogodo manyepo.

“Murume uyu ari kunyepa, hatina kumborambana sematauriro aari kuzviita uyezve haana kumbobvira arohwa nehanzvadzi dzangu, dzakatouyawo dzichida kunzwisisa kuti ainge andidzingirei pamba,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Nyogodo gwaro redziviriro.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *