Kudetemba zverufu

Munyaradzi Gunduza

  1. TINODZIDZEI pamusoro perufu kubva munhetembo dzerufu dziri mubhuku iri? [25]

Nhetembo dzerufu dzinojekesa mazwi namatama anotaurwa nomunhu kana vanhu vafirwa vachidemba nhamo inenge yavawira, uye vanenge vofunga kutambura kwavachaita nokusiiwa kwavanenge vaitwa naamai, baba, mumwewo wemumhuri yavo kana shamwari.

Kwairidzwa mhere kana pafiwa sezvatinoona munhetembo Kudemba baba apo tinonzwa nyanduri achichema achiti, “Ho, baba we-e! Ho, baba we-e!”

Kushandiswa kwezvikuwo kuzhambatata kwemunhu anenge achichema kufirwa kwaaitwa.

Kare vanhu vainyaradzana kana mumwe afirwa nehama yake sezvatinoona mudetembo rinonzi Kunyaradza afirwa apo tinoona nyanduri achinyaradza mwana weshamwari yake afirwa nababa vake paanoti, “Chinyarara zvako Mukara vaenda baba vako shamwari.”

Mukunyaradzana umu munobuda kuti vananyanduri vaishandisa mazwi asingaremi nekudzimba mwoyo sepanonzi mudetembo iri, “Akusiya nhasi apurura,” achireva kufa. Izvi zvaiitirwa kuderedza kutyisa nekukahadzisa kwechiitiko cherufu. Vainyaradza ava vaitaura chokwadi chezvinowanikwa muupenyu sepanonzi, “Wasiyiwa pachena semazai edahwa,” zvichireva kuti kufirwa nemubereki sababa kwaiita kuti vana vasare vava voga vasisina muriritiri. Izvi zvaiita kuti vafirwa vatarisane nezvazviri.

VaShona vaitendera kuti rufu rwaiunzwa sekuda kwaNyadenga, kwete nemunhu nokuti kufa murawo waMwari sezvinobuda mudetembo rinonzi Kunyaradza afirwa panonzi, “Denga iri ndiMapa, pamwe ndiMabvuta” zvichireva kuti rufu rwaiuya zvisina anoziva kana kuda, uyezve hapana anoramba rufu, rwunongotora madiro.

Pasichigare kana kwafiwa paiva netsika yokubata maoko kunova kudembedzana nevafirwa kuitira kurerutsa kufunganya kwavo mudambudziko rinenge ravawira sezvinobuda mudetembo rinonzi Kubata maoko apo nyanduri B anova sekuru vakafirwa nemukadzi wavo vanoudza muzukuru wavo ari kubata A maoko kuti, “Zvakapera zviye, muzukuru” kureva kurasikirwa kukuru nekufirwa.

Parufu panobudawo nhoroondo yeurwere hwemunhu sezvinoburitswa navatauri mudetembo Kubata maoko zvakare apo muzukuru A anobvunza sekuru vake B mafambiro efiro yambuya vake. Saka tinodzidza kuti pakuchema afa tinogona kunzwa nhoroondo yefiro yemushakabvu.

Nyaya yemitupo nezvidawo inowanikwawo munhetembo dzerufu semudetembo rinonzi, Kunyaradza afirwa apo nyanduri anoti, “Chinyarara zvako Soko.” Mutupo unoratidza dzinza remunhu afirwa, uye mazwi aya anodzora hama yemufi nokuti akudzwa nekudaidzwa nemutupo wake.

Cherechedzo: Vadzidzi makasununguka kutsvaga dzimwe nhetembo dzamunoziva dziri muna Ugo Hwamadzinza AVaShona dzinotaura pamusoro perufu muchitsanangura zvidzidzo zvinobuda madziri pamwechete nekupa tsigiro dzacho.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×