‘Mukadzi wangu unoshamisira’

Milcah Nhakura
MUDZIMAI wekuDorowa anoti ari kuoneswa chakatadzisa imbwa kutaura asi ichigona kunyenama nekurohwa nemurume wake achimupomera kuti anoita zvechipfambi nekumupumha huroyi.
Jeane Gumbonzvanda akaendesa murume wake, Jabulani Nyati, kudare reHarare Civil Court achiti anomushungurudza zvose nevabereki vake.
Mutongi Gwatidzo akapa Gumbonzvanda gwaro rinomudzivirira.
“Murume wangu anditambisa chepamusoro, ndinopurwa semhunga. Ndinotomutya nekuti akambondirova nebhurumu kusvika ratyokera pandiri kuita mapitsi-mapitsi.
“Ndinoenda kukoreji muno muHarare uye pandinenge ndichienda kuchikoro ndinenge ndichigara nevabereki vangu. Saka pandinodzoka anondirova achiti waiita chipfambi uchifurirwa nevabereki vako,” anodaro Gumbonzvanda.
Anoenderera mberi kuudza mutongi Noah Gwatidzo kuti, “Chikumbiro changu kudare ndechegwaro rinondidzivirira, ndinoda kuti amiswe kundirova, kundituka nekunditi pfambi. Ndinokumbirazve kuti asasvike kumba kwevabereki vangu kuKuwadzana 3 nekuti ndiko kwandiri kugara pari zvino.
“Ndiri kuda kuzotora zvinhu zvangu zviri kumba kuDorowa saka ndinoda kuti asazorambe nazvo. Ndichibuda muno, ndave kufambira mapepa ekugura muchato nekuti ndaneta.”
Nyati anopokana nechikumbiro chemudzimai wake achiti ari kunyepera dare.
“Mudzimai wangu anonyepa, haadi kutsiurwa chete. Ndiro dambudziko ratinaro mumba medu. Ndakambomuti usafambe manheru nekuti kwatinogara kune matsotsi saka ndinotya kuti anozopondwa kana kurepwa.
“Chimwezve ndechekuti anoshamisira nekuti adzidza asi ava kukanganwa kuti ndini ndakamuendesa kuchikoro ikoko, ‘from zero subjects’ kusvika iyo koreji yaave kushamisira nayo.
“Ngaaite zvaada, kana achida zvinhu zvake anouya achitora handimurambidze,” anodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *