Tsvarakadenga dzokwikwidza

Abel Ndooka

TSVARAKADENGA dzinosvika 15 kubva munyika

dzemuAfrica dzichange dzichikwikwidza mumakwishu eZuri Africa muguta reHarare munguva pfupi iri kutevera.

Makwikwi aya achaitwa nemusi wa1 Mbudzi uye chirongwa ichi chakaparurwa muno naRyan Nush uyo anove chamangwiza weZuri Africa.

Anoti chinangwa chemakwikwi aya ndechekurakidza runako ruri munyika dzakasiyana dzemuAfrica.

“Chinangwa cheZuri Africa kurakidzira runako rwenyika dzemuno muAfrica. Africa yakakomborerwa kuve nevanasikana vakanaka uye tine vanhu vane matarenda ekuita mabasa akawanda saka mamwe acho ndiwo atichange tichirakidzira,” anodaro Nush.

Anoti makwikwi aya achasimudzira chikamu chezvekushanyirwa chemuZimbabwe.

“Kuburikidza nechirongwa ichi, tiri kuona nyika yedu ichisimukira munyaya dzekushanyirwa nekuti panouya tsvarakadenga kubva munyika dzakasiyana dzemuAfrica kuzokwikwidza zvinosimudzirawo nyika uye zvichiunza bhizimisi rakawanda muno,” anodaro Nush.

Tsvarakadenga dzichakwikwidza mumakwishu eZuri Africa dzichabva munyika dzinoti Malawi, Nigeria, Sierra Lione, Burundi, Zambia, Togo, South Africa, Rwanda, Botswana, Kenya, Namibia, Swaziland, Tanzania, Lesotho neZimbabwe.

Makwikwi anotevera achaitirwa kuNigeria gore rinouya.

“Tatanga muno gore rino iro tiri kuparura, gore rinotevera tinenge tiri kuNigeria. Mamwe makore anotevera tinenge tichitenderera kune dzimwe nyika. Tinoda kuona nekudzidza zvinenge zvichiitika kune dzimwe nyika saka tiri kuti chirongwa ichi chigotenderera kune dzimwe nyika,” anodaro Nush.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *