MUDZIMAI uye wemubhuku raGuwa kwaChinhamora, kuDomboshava, wekubuda pachena kuti akapfuhwira murume wake nekumubikira sadza nemvura yaiva yakasanganiswa nevhu rekumakuva, ave kuvhundutsirwa neimwe hama yake inonzi mupurisa ichiti akafumura dzinza ravo.
Izvi zvinotevera kubuda kwakaita nyaya iyi muKwayedza masvondo maviri adarika.
Portia Shayamunda (32) akabuda pachena kuti akadyisa murume wake, Oliver Guwa Chigodora (33), sadza raakabika nemvura yaiva yakaiswa ivhu rekumakuva senzira yekuti asagare achimurova nekumushusha.
Shayamunda anoti akanopihwa zano rekuita izvi nemuporofita anonzi Madzibaba Yeukai Mhembere wechechi yeCalvery Ministries.
Mudzimai uyu akabvuma pamberi pedare raSabhuku Guwa, VaNelson Guwa (51), kuti akanotora ivhu iri kumakuva evanhu vekwaChakawa. Apa Shayamunda aitongwa pamwe chete nemuporofita uyu vose ndokukonwa nemhosva vakaripiswa.
Zvakadaro, Sabhuku Guwa vanoti imwe hama yaShayamunda inozviti mupurisa yava kuridza nhare kuna Shayamunda nemurume wake ichivhundutsira kuti vakabvumirei kuti nyaya iyi ibude muKwayedza.
“Kuno tava nedambudziko rekuti mudzimai uyu nemurume wake vave kutyisidzirwa nehama yepedyo yemukadzi uyu ichiti inoda kuvazvambaradza. Vanonzi vakataurirei nemi (veKwayedza).
‘‘Zvakare iye anozviti mupurisa uyu anonzi ari kuda kuona imi (vatori venhau) makanyora nyaya iyi,” vanodaro Sabhuku Guwa.
Mutori wenhau uno paakaridza nhare panhamba dzemunhu anozviti mupurisa uyu (zita tinaro) munhu akaidavira akati murume uyu akange asipo, asi akatsinhira kuti hama yaPortia yaipenga zvikuru nekuda kwenyaya iyi.
“Ichokwadi, hama yemukadzi uyu iri kupenga nezvakaitika izvi, haana kufara nazvo. Iye handina kuona kwaaenda, asiya foni yake ichichaja,” akadaro mukadzi uyu.



