A-LEVEL — MASIMBA: Lindiwe ava nepamuviri

“Dai ndakaziva haitungamiri” naMapira Silitha (79-91)

NYAYA YACHO (Enderero mberi)

Lindiwe anozotaurira Susan gure rose, Susan akafadzwa nazvo. Lindiwe ainge aronga naVaChihombiro kuti vazoonana kune imwe hotera muMasvingo, mumwe nemumwe achishandisa nzira dzakasiyana dzekusvikako.

Susan anorongera Lindiwe rokwe raaifanira kuenda akapfeka pazuva guru rekuenda kuMasvingo pamwe nekumupa mushonga waiva mukabhodhoro kadiki uyo akati waibatsira chose pakuwedzera rudo rutsva rwaLindiwe naVaChihombiro. Nerufaro rwuna Lindiwe, anotadza kupindura tsamba yakabva kunaDavid yaida kupindurwa. Anombozvitongesa asi anozozvipa mhosva achiti VaChihombiro vanomubata zvakanaka.

Paanodzika mubhazi, anowana chido chemoyo wake chakamumirira ndokurohwa nehana nemapfekero aiyevedza aainge akaita. Vanonanaidzana kuenda kumotokari yaVaChihombiro yavakanga vasiya kunze kwemusika.

Vasvika kuhotera James Chihombiro anoenda kunotenga ihwo hwutsvuku, bhodhoro rewaini, kokokora, chimukuyu nemapichisi uyu Lindiwe achisara achiyemura kamuri yainge yabhukwa naJames sezvo kaive kake kokutanga kupinda muhotera.

James anonyengetedza Lindiwe kuti ambonzwa girazi rimwe zvaro rewaini kuti awane kusununguka. Anozopedzisira ava kusanganisa nekokokora shomanana. Kwapera inenge awa imwe chete, anotanga kunzwa kanenge kadzungu izvo James ainge achivavarira kuti zviitike.

Nekusada kunonokerwa, Lindiwe anosimuka kwava kunogara pamakumbo aJames ndokubva vapanana rudo. Paanomuka mangwana acho, Lindiwe anoshama kuona akagumbatirwa naJames ndokumbobatwa nenyadzi ndokufunga kuti aizvozviita sei kana akabata pamuviri sezvo ainge aregera kunwa mapiritsi ekuronga mhuri kubva panguva yakaenda David mhiri kwamakungwa. James anoedza kudzikamisa pfungwa dzaLindiwe.

Vanovaraidzana zvavo ndokuzopinda mubhavhu kugeza, Lindiwe achirumbidzwa runako rwake izvo zvinoita kuti afare zvikuru. Vapedza kudya kwemangwanani, vanoparadzana Lindiwe ambotengerwa sipo, mafuta ekuzora, zvekudya zvemumagaba, tumwe tunonaka twakawanda nekupihwazve madhora makumi mashanu.

Lindiwe anotanga kushanduka maitiro achichinjanisa hembe kaviri pazuva nekuzvidira mafuta anonhuhwirira, ainge ava kusuduruka kubva pane vamwe vakadzi vechidiki vaaitamba navo achitya mashoko avaizotaura pamusoro perudo rwake naVaChihombiro. Nzira yekumba kwemudzidzisi uyu inotanga kupfumbira mukadzi aisimbotamba naLindiwe ainzi Mai Toga ndokuzvinzwa munhu akati regai nditsiure mumwe wangu.

Anopindurwa pfocho zvekuti anobva asiya atsiura Lindiwe chete achiti ngaayeuke tsumo yevakuru inoti, “Dai ndakaziva haitungamiri”. Rudo rwuya rwaLindiwe naVaChihombiro rwakatanga rwuri chihwande hwande rwave pamuromo pomunhu wose. Lindiwe ava kuvavarira kupunza imba yake neyaMai Chihombiro.

Nechekunowo kuchengera kuna James kukati hatikusiyi, munhu ndokuona ava kusvotwa kana anzwa kuti murume waLindiwe ainge anyora tsamba.

David anoramba achinetseka pamusoro pomukadzi wake Lindiwe, achipota achitumidzirwa zvipo zvekurangaridza Lindiwe kuti achiri kumuda uyo ainyora tsamba pfupi pfupi David achiti ari mugadziriro yekunyora bvunzo gore iri. Zvinhu zviri kufambira Lindiwe nekuti James ari kukushira mari kwaari.

Kwapera mwedzi miviri, Lindiwe anobva azviona kuti akanga atsika mwedzi kwava kutaurira VaChihombiro avo vasingamutauriri nezvaizoitika pamberi. VaChihombiro vachiona izvi chete, munhu anotanga kutsvedza chaizvo.

(Enderere mberi svondo rinotevera.)

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×