Mukadzi wemuridzi haakechwe . . .‘3 weeks’ angori ‘pahasha’

Onzi aripe mombe 10

Kingstone Mapupu
MURUME wemuHarare — nyakudanana nemudzimai weshamwari yake achifunga kuti zvakanaka zvakadaro — ava kuzvidemba sezvo achiti asvitsa masvondo matatu achingonzwa kuda mukadzi izvo zvakonzera kuti sikarudzi yake imurwadze zvakanyanya.

Ava kutogara akavirikidza matarauzi kana kufamba akaisa ruoko rwake mubhurueru achiitira kupomhodza “hasha”.

Ukuwo muridzi wemukadzi ari kutsika madziro achiti: “Ndini ndakakusota, hazvipere kana akasandiripa nemombe 10. Unofa!”

Shown Masarakufa (43) anogara kuWestlea, kuKambuzuma, anoti atambura nesikarudzi yake iyo yave kugara ichingori “pahasha”. Nemusi weChipiri svondo rino, Kwayedza yakazvionera dambudziko remurume uyu.

Muridzi wemukadzi ari kunzi akatorwa naMasarakufa — uyo anongozviti Thembo Mazvimbakupa — haana chaari kuvanza uye anoti akatanga kuona mashoko ekudanana kwevaviri ava munhare yemudzimai wake.

Anoti akazofamba kuchivanhu uko akanogadzirirwa mhiko dzekubata chikomba Masarakufa.  “Ndaenda kwandakaenda, ndikanzi achauya ega kwauri, hezvo uyo ndiyani nhasi. Handina chekutaura naye, ndinoda mombe dzangu 10 chete, kana pasina izvozvo anofa.

Thembo Mazvimbakupa

“Dai ndakada zvekumuhwandira, ndaimutyora-tyora kana kumutema nedemo. Ndingadai ndakatosungwa ndamuuraya.

“Kutaura kuno mukadzi wangu akatiza akaenda kumusha kwake,” anodaro Mazvimbakupa.

Masarakufa — uyo ane mudzimai nemhuri — anodura kuti munhu ane katsika kekudanana nemadzimai akawanda uye akazochiva mudzimai wasahwira wake kusvikira vadanana ndokushereketa vose mwedzi mishoma yakadarika.

“Ndaita dambudziko guru, ndave kuramba ndichingonzwa kuda pasina zororo — ndatosvitsa masvondo matatu ndakadaro. Ndinoswera zvakadaro, ndigorara, ndigorara nekuzomuka ngoma ndiyo ndiyo.

“Handikotsire nekuda kwedambudziko iri nekuti zvave kutondirwadza. Weti chaiyo yave kubuda iine ropa. Dai pawana anondibatsirawo kunze uko, ndapfidza!” anodaro.

Murume uyu anoshanda pamwe chete nasahwira wake ane mukadzi waanodanana naye vachiita zvekuveza.

Anoti iye neshamwari yake vagara vachiwirirana zvekusvika pakupanana nhamba dzenhare dzemadzimai avo kuitira pakutsvagana nekunge pamuka mabasa.

Rosemary Charita

“Mudzimai weshamwari yangu ndaigona kuti ndikafona panhare yake, iye ondiudza kuti murume wake haapo achindikumbira kuti ndiendeko kunomuona. Zvadaro, ndakazorezvwa sehove ndokudanana nemukadzi uyu tikaita zvatakaita kumba kwavo ikoko nekuma’lodge’ emuno muHarare,” anodaro Masarakufa apo aiyuwira nekurwadziwa.

Anoti svondo rekutanga akafunga kuti zvichapera, ndokuzoona kuti hazvisi kusanduka izvo zvakamutuma kugara akavirikidza mabhurugwa kuti vanhu vasaone zvaari.

“Mukadzi wangu akazosvika pakundibvunza ndikamutaurira chokwadi — kuti ndakashereketa nemudzimai wasahwira. Ndaenda kukiriniki nekuchipatara asi chirwere chiri kushaikwa, izvozvi ndine mapiritsi andinonwa asi zvinongoserera kwekachinguva zvobva zvatanga futi.

“Kana kuedza kuzvitonhodza nemagodo echando hapana chinosanduka. Ndinotofamba nejira nyoro ndichiitira kuzvitova asi zvaramba,” anodaro.

Masarakufa anoti haachakwanisa kusangana nemudzimai wake nekuda kwemarwadzo aanonzwa, ukuwo mukadzi wake ava kutya kutapurirwa denda risiri kuzivikanwa.

“Sahwira wangu wandakatorera mudzimai uyu ndakazomuvinga ndikataura naye akati inyaya yaanoziva kuti ndinodanana nemukadzi wake. Ari kuti anoda kuripwa nemombe gumi kuti andisunungure.

Sekuru Baureni

“Akangonditi ripa mombe gumi totaura kubva ipapo. Zvino mombe dzacho ini handina, kana mbudzi zvayo handina. Dai andiitawo kuti ndipote ndichimupa mombe imwe chete pagore pamwe zvaiita,” anodaro.

Masarakufa ave kugara akapfekera maoko ake mubhurugwa kuedza kudzikamisa dambudziko rake.

Mudzimai wake, Rosemary Charita (36), anoti pekutanga akambofunga kuti murume wake ainge anwa mishonga yechirume inodaidzwa kuti vhuka-vhuka.

“Handina kushatirwa, ndakatoona kuti mumba mapinda hurwere. Ndaifunga kuti zvichida vakanwa mishonga yavo yemumaguchu. Ndakazofungawo kuti dzimwe nguva igomarara tikaenda kuchipatara asi hakuna chakabatsira kusvika nanhasi vakangodaro,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti nyaya iyi havasati vaisvitsa kuhama dzake kana dzemurume.

Votaura nezvenyaya iyi, VaPatrick Kapfunde avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni vekwaMadondo, kuMt Darwin, vanoti:

“Ngaataurirane nemurume waakatorera mukadzi uyu kana achida kupona nekuti rukawo rwune nguva yekuraramisa munhu nekuuraya.”

Vamwewo vanhu vakataurwa navo pamusoro penyaya ino vanoti varume vanotora vakadzi vevamwe vanofanirwa kupfidziswa sezvaitwa Masarakufa.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×