Mukaka wemukadzi waoma

MUBVUNZO:
Sekuru, mukadzi wangu ane 3 weeks asununguka. Pose apa mukaka waibuda wakawanda asi pari zvino mazamu ake akaoma kuti gwa. Haachabuda kana donhwe zvaro. Chingava chii?

MHINDURO:
Muzukuru, nevamwe vose vazukuru vane matambudziko akadai, izvi zvinogona kuvepo zvakonzereswa nemhepo yekumudzimai, zvichida pane zvekumatateguru ake zvinoda kuzivikanwa zvogadziriswa. Zvichida mukadzi wako ane mudzimu uyo unoita kuti mukaenda pana chiramba anoziva basa anouita kuti utaure. Asi izvi hazviitwe newe, zvinoda hama dzake.

Zviri zvemukaka, nenguva isipi unobuda mwana otoyamwa. Asi kana uri mweya wakaipa waitise kudai, chiramba anofanire kudzinga mweya uyu. Zvikaitwa nenzira kwayo mukaka unobuda mwana oyamwa zvakanaka. Tanga waona chiremba wechirungu asi zvikaramba tsvaga muchivanhu.

Bvunza Kwayedza panhare dzinoti: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×