Abel Ndooka
VATSIGIRI venhabvu vanoti chikwata chenyika chenhabvu chemaWarriors chichine mukana wakakura wekuenda kumutambo weTotal Energies 2027 Africa Cup of Nations, kunyangwe zvazvo chakakundwa neDemocratic Republic of Congo (DRC) nomusi weMuvhuro uno.
Rwendo rwemaWarriors rwekurwira kuenda kumutambo we2027 AFCON – uyo uchaitirwa munyika dzinoti Kenya, Uganda neTanzania – rwaona achihwinha mutambo wokutanga, apo akakunda Sierra Leone 3-2 kuMorocco, ndokuzokundwa 2-1 neDRC nomusi weMuvhuro uno kuNational Sports Stadium, muHarare.
Kubva pamitambo miviri yatambwa nemaWarriors parizvino, chikwata ichi chave nezvibodzwa zvitatu uye chakagara pechipiri palogo, chichitevera DRC, iyo ine zvibodzwa zvitanhatu muboka ravo — Group E.
Mumitambo yawo miviri inotevera, maWarriors achasangana neEquatorial Guinea muna Mbudzi. Wokutanga uchatambirwa kuEquatorial Guinea nomusi wa11 Mbudzi, wechipiri uchizoitirwa muno nomusi wa15 Mbudzi.
Zvichitevera mitambo yeSierra Leone neDRC, vatsigiri vemaWarriors vakataura neKwayedza vakati mukana wokuenda kuAFCON uchiripo uye chikwata chenyika chiri kufanirwa kutora zvibodzwa zvose mumitambo yacho yose yasara.
Mutsigiri wenhabvu munyika ino, Adomsi Mukwasi, anoti, kunyangwe zvazvo chikwata chaRamon Catala chakakundwa neDRC, matambiro achakaita mumutambo uyu anorakidza kuti chikwata chikaramba chakabatana, chinoenda kure.
“Chandakafarira ndechokuti chikwata chedu, kunyangwe zvazvo chakakundwa, vakomana vaitamba nemwoyo wose, izvo zvinorakidza kuti vakaramba vakabatana kudai, chikwata chedu chinoenda mberi.
“Pachadzoka mitambo yekurwira kuenda kuAFCON muna Mbudzi, chikwata chatamba mitambo miviri yadarika iyi chikaramba chakabatana, Equatorial Guinea tinoikunda kuti tigofambira mberi murwendo rwedu rwekurwira kuenda kuAFCON.
“Chave kudiwa iye zvino ndechokuti tihwinhe mitambo yose iri kutevera kuitira kuti tinge tiri pakanaka palogo,” akadaro Mukwasi.
Achitaurawo, mumwe mutsigiri wenhabvu, Austin Charumbira, akati Catala iye zvino ane basa guru rekuongorora vatambi vakawanda vakasiyana, aumbe chikwata chakasimba chichazosangana neEquatorial Guinea.
“Patichasangana neEquatorial Guinea panofanirwa kubatwa basa sebasa nokuti mitambo yatichatamba iyoyo yakatikoshera; ndiyo ichatirakidza kuti tichaenda kuAFCON here kana kuti kwete,” anodaro Charumbira.




