Mukoma aponda munin’ina (10)

MURUME ane makore 30 okuberekwa wemubhuku raMukanwa, kuBuhera akasungwa achipomerwa mhosva yekuuraya munin’ina wake ane makore 10 okuberekwa apo mwana uyu aive akarara izvo zvakasiya vagari vemunzvimbo iyi vasina neremuromo.

Musungwa, Evans Munyadzi, ari kupomerwa mhosva yekuponda munin’ina wake, Tapiwa Munyadzi, kumba kwavo nemusi wa31 Ndira.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti mapurisa ari kutora nyaya iyi sehumhondi sezvinotsanangurwa muchikamu cheSection 47 chemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act (Chapter 9:23).

“Mapurisa ari kuferefeta nyaya yehumhondi apo murume ane makore 30 okuberekwa anonzi akaponda munin’ina wake ane makore 10 okuberekwa paaive akarara.

‘‘Murume uyu akatosungwa uye ari muhusungwa,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Vanoti mushakabvu aiita Grade 5 paChimombe Primary School kuMutiusinazita, kuBuhera. Aigara naamai vake, Mai Virginia Thandi (50), nemukoma wake uyu.

Husiku hwaNdira 30, nenguva dza9pm, Evans akaenda kunorara nemunin’ina wake mukamuri imwechete pasina chakange chakaipa.

Mangwanani akatevera, kuma 5am, amai vevakomana ava vakamuka ndokuenda kugadheni, vachisiya vaviri ava vakarara. Mushure memaminitsi mashoma, Evans akatevera amai vake kugadheni.

“Amai ava vachimuona, vakaudza Evans kuti adzokere kumba kunomutsa munin’ina wake kuti auyewo kugadheni,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Evans akadzokera kumba asi pasina nguva akabva adzoka achiudza amai vake kuti munin’ina wake akange asiri kupfakanyika.

Vaviri ava vakanetsekana nazvo ndokubva vamhanyira kumba.

“Vakasvikowana mwana uyu akarara pasi akafukidzwa negumbeze, amai vake vakaona mavanga pamutsipa, pamhino nepamuromo,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kukamba duku yeZRP Mutiusinazita Base.

Matikitivha eCID Buhera nevamwe vekwaMuzokomba vakaenda kunoferefeta.

Mapurisa akasvikowana mutumbi wemwana uyu wakarara nemanhede uye uine mavanga pamutsipa anoenderana nekudzipwa.

Zvinhu zvichena, zvinofungidzirwa kuti ifuro, zvakaonekwa pamuromo nepamhino.

Mutumbi uyu wakazoendeswa kumochari yechipatara cheMurambinda Mission Hospital uko wakamirira kuongororwa nanachiremba.

Mapurisa ari kuenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi achitsvaga chikonzero chehumhondi uhu.

Asst Insp Chinyoka vanoyambira veruzhinji pamusoro pemhirizhonga yemumhuri vachikurudzira vanhu kuti vatsvage vayananisi kana vasangana nekusanzwisisana. – The Manica Post

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *