Tendai Gukutikwa
VAGARI vekwaChaputika kwaMambo Nyashanu kwaMuzokomba, kuBuhera vakasara vaine kusuwa kukuru zvichitevera nyaya yemurume anonzi akaponda munin’ina wake nekumutema nedemo vatadza kuwirirana apo vainwa doro vose.
Gakava rakazokonzera kupondwa kwemunin’ina nemukoma wake rinonzi rakatangira kunzvimbo yemabhzimisi yeBhegedhe uko vainwa doro vose.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi.
Vanoti Blessing Musapukira (46) akatosungwa nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda.
“Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kufeya nyaya yehumhondi yakaitika kuBuhera apo Blessing Musapukira anonzi akaponda munin’ina wake, Denford Musapukira (44), nekumutema-tema nedemo kakawanda mumusoro zvichitevera kutadza kuwirirana kwavakaita,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.
Vanoti nyaya iyi yakaitika mangwanani emusi wa9 Kubvumbi, mumusha waSabhuku Chaputika kudunhu raMambo Nyashanu.
“Pazuva iri nenguva dza0200 hours, mukoma nemunin’ina ava, avo vaigara pamusha mumwechete, vakadzoka kumba vachibva kunzvimbo yemabhizimisi yekwaBhegedhe uko vainge vachinwa doro. Vanonzi vakambenge vambonetsana nekuda kwenyaya isina kuzivikanwa,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.
Vanoti vaviri ava vanonzi vakambenge vambonetsana zvakare vachinwa doro zuva raiva radarika nekuda kwenyaya dzisina kuzivikanwa.
“Vaviri ava vakawedzera kunetsana vasvika kumba apo Blessing Musapukira anonzi akazotora demo ndokutema naro Denford Musapukira kanokwana kana mumusoro uye ndokumutemawo kaviri kuruoko rwekuruboshwe nekamwechete kuruoko rwekurudyi,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.
Vanoti Blessing anonzi apedza kutema munin’ina wake, akabva azivisa imwe hama yavo zvaakanga aita.
“Mushure mekunge atema munin’ina wake, Blessing Musapukira akabva aridzira nhare kuna Nhamo Zvavanyenyu achishandisa nhare yake achimuzivisa izvo akanga aita. Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa eMutiusinazita ZRP Police Base,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.
Mapurisa eZRP Muzokomba vakazomhanya kuchiitiko ichi vachibva vanosunga Blessing uyo ari muchitokisi achimirira kuendeswa kumatare edzimhosva.
Mutumbi waDenford wakazotakurwa kuendeswa kumochari yeBirchenough Bridge Hospital uko wakamirira kuongororwa nanachiremba.
Asst Insp Chinyoka vanoti semapurisa vari kushushikana zvikuru nekuda kwekuwanda kwemhosva dzekurwisana kwevanhu mushure mekutora zvinodhaka apo vanhu vanenge vachitaura nyaya dzemumisha.
“Tinoramba tichikurudzira veruzhinji kuti vasaite tsika yekurwisana kana paine zvinonetsa mukurarama vatadza kunzwanana. Nyaya dzinonetsa dzinofanirwa kugadziriswa murunyararo vanhu vachitungamirirwa nevayananisi vanosanganisira vatungamiri vakasiyana munzvimbo dzavagere,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.
“Tinoyambirawo veruzhinji kuti vasiyane netsika yekutora mutemo vachiisa mumaoko avo sezvo zvinoguma zvakonzera kukuvadzana nekupondana.”




