Mukomana (16) asungwa abata ambuya (85) chibharo

Kingstone Mapupu

MUKOMANA ane makore 16 okuberekwa wekwaKutama, kwaZvimba akasungwa nemhosva yekubata chibharo ambuya vane makore 85 ekuberekwa.

Mukomana uyu (zita rake tinorichengetedza sezvo asati abva zera)  anonzi akapara mhosva iyi nemusi wa17 Nyamavhuvhu nenguva dza5 zuva rodoka mumusha waSabhuku Gomwe kudunhu raMambo Zvimba.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vanoti mukomana uyu akaenda kumba kwaambuya ava achitengesa hanyanisi ndokunotaura navo kuti vatengeserane bhanduru nekuchinjanisa nechibage chinorema makgs mashanu, vachiita mutengano wegudo.

“Apo mbuya ava vaiva vachigadzira chibage chavo kuti vachinjanise nehanyanisi dzaitengeswa nemukomana uyu, akabva avadhonzera  muimba yavo ndokunovapunzira pasi achibva avabata chibharo kamwe chete,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti ambuya ava vakazozivisa nyaya iyi kumwanakomana wavo uyo akazomhanya kunomhan’ara kumapurisa eZRP Kutama.

Mukomana uyu akabva asungwa pakarepo.

“Semapurisa, tinokurudzira veruzhinji kuti varege kusiya vanhu vakwegura vari voga pamisha, hazvina mhosva varume kana kuti madzimai kuitira kudzivirira matambudziko akadai aya nekuti kune vamwe vanhu vanoda kutora mikana yekuita zvakaipa kwavari,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti pane nyaya dzakawanda dzinoitika dzekubirwa kwevanhu vakwegura vari voga uye vamwewo vachitsvira mudzimba vasiya moto uchibvira nemamwewo matambudziko akasiyana.

“Vakwegura musimboti wedu saka vanhu vanoda kubatwa zvakanaka kwete kuvashungurudza,” vanodaro Insp Kohwera.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *