Mukomana (20) aba motokari achangobuditswa mujeri

Muchaneta Chimuka

MUKOMANA ane makore 20 okuberekwa, uyo achangobva kuburitswa mujeri pasi pechirongwa chePresidential Amnesty, akasungwa mushure mekuba motokari pamwechete neUS$1 800 kuKwekwe uye akazobatirwa paMurombedzi Business Centre, kwaZvimba.

Benjamin Manyangadze mumwe wevakabudiswa mujeri pasi pechirongwa chekusunungurwa kwevasungwa masvondo maviri adarika.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Manyangadze, uyo anova mugari wekuRuwa, akanga akabudiswa mujeri reMarondera Prison nomusi wa2 Kurume umo akapikira mhosva nhanhatu dzekupinda muchivanze chevanhu pamwe nekuba.

Akabva asungwa zvakare nemusi wa16 Kurume mushure mekuba motokari pamwechete neUS$1 800.

“Mhosva itsva iyi akaipara nomusi wa11 mwedzi uno (Kurume) kumanheru munzvimbo yeRedcliff apo mumhan’ari Tawanda Godfrey Magure akapazirwa imba yake akabirwa US$1 800 uye makiyi emotokari akabva abiwa pamwechete nemotokari yacho yemhando yePeugot ine nhamba dzinoti: AGY 1389 yainge yakapakwa pachivanze.

“Manyangadze akabva atyaira motokari iyi ndokuita museve waenda neuma,” vanodaro.

Vanoti nomusi wa16 Kurume, matikitivha akaona motokari iyi ichityairwa mumugwagwa Chinhoyi – Chegutu vachibva varidzira nhare mapurisa eZRP Murombedzi kuti vabatsire mukubata musungwa.

“Mapurisa eZRP Murombedzi vakabva vabudirira kumusunga uye motokari yaainge aba ikawanikwa pamwe nenharembozha yemhando yeTechno. Zvinhu zvose zvainge zvabiwa zvinokosha US$9 920, pakaburwa midziyo inokosha US$7 500,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti Manyangadze akamiswa mudare nomusi wa18 Kurume nemhosva yekupinda muchivanze chevaridzi pasina mvumo uye nekuba motokari pasi pechikamu cheSection 131 ne113 chemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.

Achadzoka zvakare kudare munguva pfupi inotevera apo anenge ari mutorongo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×