Mukombe ndewedu — Mwadziwana

Abel Ndooka
SHASHA yetsiva, Tinashe “Chairman” Mwadziwana, anoti kunyangwe zvazvo mutambo wake naPaulus “The Rock” Ambunda wekuNamibia wambomiswa nekuda kwechirwere checoronavirus ane idi rekuti pavachazosangana bhande reWorld Boxing Association Super Bantamweight World Title iro ravacharwira richasara muno.

Vaviri ava vange vachifanirwa kusangana kuMbare Netball Complex muHarare pamutambo wekupemberera zvakare Zimbabwe kuwana kuzvitonga zvizere.

Muhurukuro neKwayedza, Mwadziwana anoti utano hwake, hwaAmbunda nevatsigiri hwakamukoshera nekudaro mutambo uyu wakambomiswa.

Anoti vamiriri vake nevaAmbunda vachazogara pasi kana chirwere checoronavirus chapera voronga rimwe zuva rekuti vatambi vaviri ava vagosangana uye ane tarisiro yekuti achakunda.

“Ndinoda kuzivisa vatsigiri vangu kuti ngavasatye zvavo, mutambo uyu uchaitwa zvawo. Chekutanga tinoda kurwisa coronavirus iyi kana yapera tozochironga kuti tisangane.

“Chairman vakagadzirira zvavo, vacharamba vachigadzirira mutambo uyu uye bhande iri richasara muno,” anodaro Mwadziwana.

Anoenderera mberi achiti, “Kutaura kuno mutambo wangu naAmbunda wakamiswa nekuti hatizive kuti tiri kunanga kupi nechirwere ichi checoronavirus. Chauraya vanhu vakawanda saka isu tinokoshesa hutano hwevatsigiri vangu saka hatidi kuti vagorasikirwa nehupenyu hwavo nekuda kwacho,” anodaro.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *