Otongerwa kuba chocolate

Muhamed Komboni ari kwaMUTARE
MURUME anogara mumusha weDangamvura, maMutare, akamiswa mudare rekuno achipomerwa mhosva yekuba machocolate muchitoro cheOK.

Munyarabvu Cosmore (33) anobvuma mhosva iyi paanomiswa mudare reMutare Magistrate Court pamberi pemutongi Prisca Tendai Manhibi.

Muchuchisi Persevarance Masukuto anoudza dare kuti nemusi wa17 Kurume gore rino, Cosmore akaenda muchitoro cheOK ndokutora tumapepa tuna twema75g Pascal Mint chocolates ndokubva aviga muchikabudura chake.

Paaiita zvose izvi, Cosmore haana kuziva kuti akanga achitorwa mifananidzo neClosed Circuit Television (CCTV) naLisben Makura uyo anoongorora nezvemuchina uyu muchitoro cheOK.

Izvi zvakazoita kuti Cosmore abatwe nemurindi wepachitoro ichi paakanga ava kubuda asina kubhadhara.

Achipa divi rake mudare, Cosmore anoti anoita zvokutengesa mbatya mudhorobha umu uyezve aida kuzotengesa machocolate aya.

“Ndinotengesa mbatya asi ndakanga ndisina zvokutengesa musi uyu sezvo zvinhu zvangu zvose zvakanga zvatorwa nekanzuru. Machocolate aya ndaida kuatengesa kuti ndigokwanisa kubhadhara chikwereti chemudzimai wangu kuchipatara,” anodaro Cosmore.

Nyaya iyi ichiri kuenderera mberi nekutongwa mudare iri Cosmore achimirira mutongo wake uye ari kutongwa achibva kumba.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *