Mukombe weMukuru 4Nations wauya kuZim

Tadious Manyepo ari kuFRANCISTOWN

NZARA yemaWarriors yekuhwinha mukombe kwemakore masere yapera.
Izvi zvinotevera kuhwinha kwaakaita mumutambo weMukuru 4Nations final kuObed Itani Chilume Stadium, kuBotswana, nomusi weChipiri manheru apo akakunda Zambia 1-0.

MaWarriors akapedzisira kutora mukombe muna 2018, apo akasimudza COSAFA Cup, achirairidzwa naSunday “Mhofu” Chidzambwa, kuPolokwane, kuSouth Africa.

Junior Zindoga, uyo akapinda mumutambo weMukuru 4Nations sasabhu, akatamba nenzira yakazomanikidzira mutambi wekumashure weZambia, Kafunti Saisada, kuti anwise mugedhe ravo apo mutambo uyu waitaridza kuti waigona kupera nekurohwa kwemapena sezvo panguva iyi pakange pasina chikwata chaive chanwisa.
Murairidzi wemaWarriors, Mario Marinica, anoti ari mudenga rechinomwe zvichitevera budiriro yechikwata chake.

“Ndinofunga tinofanirwa kutenda vose vakatibatsira, kusanganisira vatambi. Vaita zvakanaka chose kushanda pamwe chete uye kuita zvataida kuti zviitwe.
“Ndinofunga kuti izvi zvichaita kuti tifambe tichienda mberi kubva pari zvino.

“Pamusoro pezvo, ndinoda kutenda zvakare varongi vose nekutitsigira, pamwe chete nesangano reBotswana FA nekuzama kuita kuti mutambo uyu uendeke uye ufambe zvakanaka,” anodaro.
Marinica anoenderera mberi achiti: “Vatange tichitamba navo vashanda nesimba uye hondo yacho yange yakaoma zvakanyanya.

“Kana mukatarisa Zambia, yanga yave pedyopedyo (kunwisa). Vakawana mikana yavo, isu tikawanawo yedu. Saka mutambo uyu wange usina kumira zvakanaka.
“Ndinofunga matambiro acho ange akanaka. Asi panguva imwe cheteyo, vatange tichitamba navo vakatiisa panguva yakaoma uye vange vachitamba zvinodakadza.

“Kana mukatarisa Botswana muchikamu chechipiri chemutambo neZambia, ndinofunga kuti taita zvakanaka chose.
“Asi panguva imwe cheteyo, tatamba nezvikwata zvinove shasha.”

Zindoga anoti: “Ndinofara kuti ndabatsira nyika yangu. Ndinofara nekuhwinha mukombe wokutanga wepasi rose mumaoko angu. Zvinofadza zvakanyanya.”

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×