Mukuwasha akatizira

Nyasha Bvudzijena
MUKUWASHA wekugara pamba paambuya vake — asi asina kubvisa kana chipeneti zvacho seroora — ava kurambira pamusha apa achiti amai vemusikana wake ndivo vakamushevedza kuti azogara navo saka anoda kuchengetwawo.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Spiwe Murimoga akamhan’arira Hilbron Mudombi — uyo anova mukomana wemwanasikana wake — achida gwaro rerunyararo.
Mutongi Tafadzwa Miti akapa Murimoga gwaro rinomuchengetedza.

Murimoga anoti ari kunetsekana zvikuru nehunhu hwaMudombi uyo waanoti anoita mhirizhonga, nekudaro haachadi kuti arambe achigara pamba pake.

“Ishe wangu, mukomana uyu anodanana nemwana wangu, asi anomurova nekumutuka pamberi pangu.
“Ndava kutya kuti anondiputsira midziyo yangu nemaitiro ake, nekudaro ndinokumbirawo dare riite kuti abve pamba pangu. Handichadi kumuona,” anodaro Murimoga.

Mudombi anopokana nezviri kutaurwa naambuya vake achiti, “Inini handikwanise kubva pamba apa sezvo amai vakatonditi ndiuye kuzogara navo nekuti ndiri kufambidzana nemwana wavo uye takawirirana kuti tichagara tose semhuri kunyangwe ndisina kuroora, vachindichengetawo.”

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *