Kingstone Mapupu
MURUME ane makore 34 okuberekwa anogara mumusha weBudiriro 1, muHarare uye kumusha achibva kwaSabhuku Mutasa kwaMambo Chipuriro kuGuruve ari kuviruka nehasha zvichitevera kutumidzwa zita kwaanoti kwakaitwa mwanakomana wake mucheche naambuya vake, amai vemudzimai, izvo zvaanoti hazvipindirane netsika dzechivanhu.
Nyaya yekutumidzwa kwemwana zita naambuya iyi yakonzera kusawirirana kwemhuri yekumukuwasha neyavatezvara vake.
Wilfred Mutape anoti akaroorana nemudzimai wake, Mitchel Machaya (26), nemusi wa12 Gumiguru gore rakapera panova paakanobvisa roora.
“Ndakanobvisa pfuma mari inokwana US$1 700 nemusi wa12 Gumiguru gore rakapera, inova yakaenda nehanzvadzi yangu nemunyai. Takanobvisira pfuma iyi kumba kwaambuya natezvara kuBudiriro 5 padyo nekwaCurrent. Mudzimai wangu akazosununguka mwana nemusi wa21 Ndira gore rino izvo zvakasiyana nenguva yekubata kwakaita pamuviri sezvo mwana aifanirwa kusunungukwa mumwedzi waKukadzi,” anodaro Wilfred.
Anoti mwana wake anova dangwe paakazvarwa akabva atumidzwa zita naambuya vake, Mai Constance Jaji Machaya, achiti izvi vakazviita voga pasina kumutaurira iye kana vabereki vake nedzimwe hama.
“Ndinonzwa zvakare kuti vatezvara vangu, VaWatson Machaya, vaidawo kutumidza mwana uyu zita isu vemhuri tisingazive, izvi zvakaita kuti ndive nepfungwa dzekuti mwana uyu haasi wangu uye nditsvage kuitirwa maDNA tests,” anodaro Wilfred.
Anoti akazopihwa mudzimai wake mushure mekutara pachivanhu uyo akangogara naye kwemasvondo maviri achibva amutorerwa nekuda kwekuti madzitezvara ake anomuti murombo.
“Mudzimai wangu, munin’ina wake navatete vavo vakaenda kunoona kumusha kwedu vakashonongorwa neUS$200. Vadzoka ikoko, handina kuzogara nemudzimai uyu akabva atorwa ndokudzokera kumba kwavo. Izvozvi ndasvitsa mwedzi minomwe ndisina kuona mwana wangu ari kugara kwavatezvara. Ndave kuda kudzoserwa pfuma yandakabvisa nekuda kwemafambiro ari kuita nyaya iyi,” anodaro Wilfred.
Anoti amai vake vakaenda kumba kwavatezvara vake vakanodzingwa apo vaida kuona mwana uyu.
“Nekuda kwenyaya iyi, tezvara vangu vakandiendesa kumatare edzimhosva vachikumbira gwaro rerunyararo nekuda kwemhosva yandisingazive yekuti vanoti ndakatuka mwana wavo anova mudzimai wangu ndichiti aiva pfambi,” anodaro Wilfred.
Anoti tezvara vake vakataura muromo wekuti zita rakapihwa mwana wake naambuya haraigona kusandurwa kunyangwe zvikatsvuka seropa.
Mai Tsitsi Marekera (71), vanova amai vaWilfred, vanoti vakashamiswa nenyaya yekuti muzukuru wavo akatumidzwa zita naambuya, amai vemuroora wavo, izvo zvavanotiwo zvinopesana netsika dzechivanhu.
“Mwana wangu akaendesa pfuma zvakanaka tichiwirirana, zvinhu ndokuzosanduka apo takazonzwa kuti muzukuru wangu akatumidzwa zita naambuya ava vasina kutitaurira. Vakazotora muroora uyu zvakare tikatadza kuziviswa kuti chii uye vanaye izvozvi kumba kwavo. Ini ndakadzingwa kumba kwavo sembwa ndaenda ndichida kunoona mwana, handizive kuti kuroora rudzii uku,” vanodaro Mai Marekera.
Vanoti mwana anotumidzwa zita kudzinza kwake kwete nevekumusha kwaamai vake.
“Tezvara vedu vakabuda pachena kumwana wangu kuti kana muine kufungidzira endai kumaDNA tests munobatsirwa ikoko. Hatichaziva kuti mwana uyu muzukuru wangu here kana kuti haasi mwana wemwana wangu,” vanodaro Mai Marekera.
Vanoti mukadzi waWilfred muroora wavo wechina mukati mevanakomana vavo.
Mai Agnes Mutape (44), hanzvadzi yaWilfred, vanova vakaendesa pfuma kwanatezvara, vanoti mamiriro ezvinhu ava kuvanetsa.
“Takaendesa mari shoma iyoyo ndiine munyai tikatambirwa, tikabvisa mbudzi yemasungiro iri mari US$60 nemachira acho. Takanotara muroora akauya kuzoona kumusha kwedu, ambuya vakazotumidza mwana zita izvo zvinopesana netsika dzechivanhu vasina kutitaurira. Izvozvi mwana wavo vakatora, hanzvadzi yangu haabvumidzwe kusvikako kunoona mwana wake,” vanodaro Mai Agnes Mutape.
Vanoti havazive kuti nyaya iyi ichapera sei sezvo mukuwasha navatezvara vakaguma vasvitsana kumatare edzimhosva.
Mitchel Machaya, achitaurwa naye neKwayedza anoti zvinoshungurudza kuti mhuri yekwaakaroorwa iri kunetsana nevabereki vake imba yavo ichangotanga kudai.
“Murume wangu akauya akatanga kunetsana nevabereki vangu kusvikira baba vakazofunga zvekuenda kumatare edzimhosva, mashoko mazhinji aava kutaura ndeemanyepo,” anodaro Mitchel Machaya.
Mai Constance Jaji Machaya, avo vasina kuzivikanwa makore avo ekuberekwa vanova amai vaMitchel, vanotiwo mashoko ose aitaurwa nemukuwasha wavo aiva emanyepo ekusvibisa mhuri yavo.
“Mukuwasha uyu akamitisa mwana wangu ndikaita nguva ndichivanzira murume wangu. Vakauya vakaroora nemari shoma iyoyo tikavatambira, akazokwereta US$200 yaiva yanhongwa nemudzimai wake iyo asati adzosera nanhasi akawedzera kumari yepfuma. Mwana asunungukwa, Mutape akauya pano ndikamubvunza nyaya yezita ratakanga tapa mwana rekuti Tanyaradzwa akati zvaiva zvisina mhosva uye ndikamuti tumidzai rimwe rekwenyu akaramba,” vanodaro Mai Constance Machaya.
Vanoti Wilfred akambouya kumba kwavo akadhakwa akatanga kutukidzira achiti mudzimai wake aiva pfambi uye akapotsa arova muramu wake.
“Akataurira baba (tezvara) kuti sei vakanga vasina kumutaurira kuti mwana wavo, kutaura mudzimai wake, aiva pfambi yaipinda mumabhawa achi‘tinter’ musoro. Vakachinjana mashoko kusvikira baba vakabuda mumba achingopopota vakanozvivharira mumba mavo,” vanodaro Mai Constance Machaya.
“Baba vagumbuka nekutukwa nemukuwasha, vakazoenda kumatare edzimhosva uko vakapihwa gwaro rerunyararo rekuti vamborega kuonana kwenguva inoita gore,” vanodaro.
Mai Constance Machaya vakazoridzira nhare murume wavo sezvo akange asipo pamba pakashanya Kwayedza svondo rapera vachizivisa kuti kwaiva nevatori venhau vaibvunza nezvenyaya yemukuwasha nemwana wavo, uyo akabva atanga kupopota panhare.
“Ndati vanhu ivavo handidi kuvaona pamba pangu, ngavabve ipapo izvozvi! Ndati ‘get out’! Vapei foni izvozvi, vakomana imi (kureva vatori venhau) ndati ‘get out’ ipapo izvozvi! Handidi kukuonai ipapo mukuwasha uyo anonetsa,” vanodaro VaMachaya panhare.
VaAaron Chiunduramoyo vanova munyori wemabhuku uyezve vari nyanduri nenyanzvi yezvechivanhu ine mukurumbira vanoti kuroorerana hakufanirwe kuvaka ruvengo asi kusimbaradza rudo pakati pemhuri.



