Mukuwasha orova ambuya

Lizzy Mushoriwa

MUKUWASHA anonzi akamuka chibhebhenenga mushure mekunge arambidzwa kuona mwana wake uyo ari kugara neaimbove mudzimai wake zvikaita kuti atema ambuya vake nezidombo.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Metron Madongo akamhan’arira aimbova murume wake, Dumbrose Nzema, achimupomera kumushungurudza zvose nevabereki vake.

“Mambo wangu, uyu aimbova murume wangu asi takarambana. Saka pari zvino ndiri kugara kumba kwevabereki vangu. Anotevera ikoko achindishungurudza, kundituka uye kundirova pamwe chete nevabereki vangu achivatukirira zvekuti hapana chaanosiya,” anodaro Madongo.

Anoenderera mberi achiti, “Pane rimwe zuva akatema amai vangu nezidombo varamba kuti aone mwana apo akauya negen’a rake vakaita mhirizhonga isingaite.”

Achipawo divi rake, Nzema anoti zvinotaurwa naMadongo manyepo.

“Anonyepa mukadzi uyu, handiite zvemhirizhonga, iye nevabereki vake vanondirambidza kuona mwana wangu.

“Ndakaenda kunoona mwana manheru amai vake vakati munoona mwana wangu kunge pfambi muchimutsvaga manheru!

“Ipapo vakabva varamba kuti ndione mwana, kana achida gwaro redziviriro ngaaronge kuti ndinozoona mwana wangu sei,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Madongo gwaro redziviriro.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×