MultiChoice yotsvaga mabhuku ekupa vana

Munyori weKwayedza
KAMBANI yeMultiChoice Zimbabwe yakatanga chirongwa chekuunganidza mabhuku ekuverenga nechinangwa chekubatsira vana vanobva kumhuri dzinotambura.

MultiChoice iri kukumbira veruzhinji kuti vape mabhuku ayo achazopihwa kuvana ava kuti vabatsirikane.

Liz Dziva — uyo anove mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko kuMultiChoice — anoti chirongwa ichi chinodaidzwa kuti #100bhuku uye chine donzvo rekuunganidza mabhuku 100 panosvika musi waZvita 1.

“Chirongwa ichi chakauya nemunyori anozivikanwa zvikuru uye ari mutambi, Larry Kwirirayi, uyo anozivikanwa nezvinyorwa zvake zveThree Men On A Boat blog.

“Takabva tangoona kuti ichi chirongwa chakanaka uye tinogona kuita kuti chikure nekutsvaga mabhuku 100 ekubatsira vana vanobva kumhuri dzinotambura kuti vawane chekuverenga,” anodaro.

Dziva anoenderera mberi achiti, “MultiChoice ine mahofisi kuAvondale nepaJoina Centre muHarare, kuBulawayo nekwaMutare nekudaro tave kutambira zvipo zvemabhuku zvinobva kumakasitoma edu nekune vamwe veruzhinji.

“Chinongodiwa chete kusiya mabhuku aya panzvimbo dzakatarwa idzi.”

Anoti vari kutambira mhando dzemabhuku ose, asiwo anofanira kunge akakodzera kuverengwa nevana.

 Vanoda kuziva zvakawanda pamusoro pechirongwa ichi vanokwanisa kuenda padandemutande rakanzi [email protected]

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *