‘Munhu anorarama ura huri kunze kwedumbu’

Munyori weKwayedza
CHAMANGWIZA wechipatara cheHarare Central Hospital, Dr Nyasha Masuka, vanoti vanhu vanenge vaine chirwere chekuwora ura vanogona kuvhiiwa, ura hwacho hwosiiwa huri kunze kwedumbu sezvaikaitwa kumurume wekwaMurambinda, kuBuhera, uyo ari kurarama matumbu ake ari panze.

Nyaya yaApprove Dowororwa (42) yakabuda muKwayedza svondo rapera pamberi apo aitsvaga rubatsiro rwemari yekuti arapwe zvichitevera kuvhiiwa kwaakaitwa pachipatara ichi ndokusiiwa ura hwake huri kunze.

Oparesheni iyi anoti akaiitwa musi wa9 Nyamavhuvhu zvichitevera dambudziko raaive naro rekupisa kwemudumbu zvakanyanyisa – ndokunzi adzokere kumba ura hwake hwakati yacha panze.

Dr Masuka vanoti hapana chakaipa panyaya yekuti ura hwaDowororwa huri kugara huri panze kana kuchitariswa chirwere chaanacho.

“Murume uyu aiva nedenda rinonzi colostomy apo akabviswa ura hwaiva hwawora hwaiva hwakareba mamita 7. Hapana chakaipa, ura hunoburitswa kunze achitorarama zvakanaka sezvaakaita izvi.

“Asi akambopihwa zuva rekudzoka akarega. Kana zvinhu zvedu zvaita zvakanaka, achashevedzwa ura hwake hwodzoserwa mudumbu,” vanodaro Dr Masuka.  Vanoti kune vamwe vanhu vanogona kutorarama kweupenyu hwese ura hwavo huri kunze kwedumbu.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×