Mupfumira orumbidza Wua

Gamuchirai Muzanenhamu —
GURUKOTA rinoona nezvevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, Cde Prisca Mupfumira, vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vawaniswe mikana yakaenzana nevanhurume yekudzidza kusvika kuzvidanho zvekumusoro-soro.

Vakataura mashoko aya neChishanu svondo rapera paWomen’s University in Africa (WUA) pakuparurwa kwechirongwa chichateverwa neyunivhesiti iyi mukusimudzira mabasa ayo kwemakore mana, cheTransformational Strategy 2016-2020.

“Akadarika mazuva aye ekuti dzidzo yepamusoro yainzi ndeyevanhu vashoma avo vanongosarudzwa kuti ndivo vanoenda kuyunivhesiti uye vachionekwa sevanonzi ndivo vane ruzivo bedzi,” vanodaro.

Cde Mupfumira vanorumbidza basa riri kuitwa neWUA, iyo inotungamirirwa namuzvinafundo Hope Sadza, mukusimudzira dzidzo yevanhukadzi.

Cde Mupfumira vanoti kuwaniswa kuri kuitwa dzidzo yepamusoro kuvanhukadzi kunoenderana nechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset.

“Donzvo guru reWomen’s University in Africa kuwanisa mikana kuvanhukadzi kuti vakwanise kuzvimirira muupenyu hwavo vachizvishandira. Izvi zvinoenderana chaizvo nechirongwa cheZim-Asset, icho chinokurudzira kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume munyaya dzeupfumi,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×