Muporofita akazora mukadzi wake hiv

Malven Mugadzikwa0
MUMWE muporofita wekuEpworth, muHarare, akamiswa mudare reHarare Magistrates’ Courts achipomerwa mhosva yekutapurira mukadzi wake utachiona hweHIV achiziva. Magret Shonhiwa akaendesa murume wake, Ephias Tumbare, kudare iri achiti akamuzadza chirwereachinyatsoziva.

Muchuchusi Audrey Chogumaira akati mugore ra2012 mumhan’ari aigara kuBotswana uko kwaakazobva achiita zvekumanikidzwa mushure mekunge magwaro ake ekushandira ikoko adarikidza nguva.

Anonzi asati abva kunyika iyi, akamboongororwa utachiona hweHIV akawanikwa asina.
Shonhiwa paakasvika muZimbabwe anonzi akashaiwa mari yake yakawanda apo akazofunga zvekuenda kumaporofita kuti abatsirwe kuwana mari iyi.

Anonzi akazoenda kumuporofita Tumbare achida kubatsirwa padambudziko rake remari yainge yatsakatika. Paasvika kumuporofita uyu, anonzi ndipo paakamutsvetsva ndokubva vatanga kudanana muna Mbudzi 2012 apo vakatanga kushinha vose pasina dziviriro.
Vakazosvika pakuroorana gore rimwe chete iroro vakatanga kugara vose semukadzi nemurume kusvika gore rino.

Mugore ra2013, mumhan’ari anonzi akazvibata kuti Tumbare aiva nemapiritsi emaARV ayo anonwiwa nemunhu ane utachiona hweHIV.
“Pandakaona kuti ndizvo zviripo, ndakaenda nemurume wangu kwaambuya vake kwaDhonono, kuEpworth ikoko, uko kwaakanobvuma kuti aiva nechirwere kubva patakatanga kudanana. Akabvuma pamberi paambuya vake izvozvo akati zvakare aitya kuti akandiudza kuti ane chirwere ndaizomuramba,” akadaro Shonhiwa.

Muchuchusi Chogumaira akaenderera mberi achiti Tumbare paakabvuma kuti akatapurira mumhan’ari chirwere akavimbisa kuti vaizogara murunyararo pasina kunetsana.
Shonhiwa anonzi akazoenda kunoongororwa ropa muna 2014 akawanikwa aine utachiona hweHIV.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kuEpworth Police Station mushure mekunge Tumbare adzinga Shonhiwa pamba uye ava kuita basa rekumushungurudza achimurova.
Mutongi Vongai Muchuchuti akati nyaya yevaviri ava izodzoka mudare zvakare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×