Bishop Bismark vakati vazhinji vakatadza kuyambuka pamusana pezviito zvinosanganisira kutaura-taura kana kusaziva nguva yokupindura munyaya inenge ichitaurwa. WAKAPOTSA wazviita asi pane chakangozoitika, chausina kunzwisisa kuti mukana wakange wazaruka wakazokupotsa sei, pakapinda mumwe munhu.
Zvinoitika kakawanda asi unoshaya kuti ndepapi chaipo panoita kuti unge shasha yamakwikwi okumhanya inopunzika yave kuda kusvetuka mutsetse wokutora mukombe, mukombe wopedzisira watorwa nomumwe munhu asingafungidzirwi.
Musi weSvondo mufundisi wechechi yeNew Life Covenant kana kuti Jabula, Bishop Tudor Bismark, vakapa chidzidzo chokuti munhu wese gara wakagadzirira kuti muupenyu hwako unogona kusangana nemunhu wapamusoro-soro (“great person”), munhu anogona kusvetutsa upenyu hwako kubva paunenge uri, achikuisa pachinzvimbo chawange usina kumbotarisira.
Bishop Bismark vakati vazhinji vakatadza kuyambuka pamusana pezviito zvinosanganisira kutaura-taura kana kusaziva nguva yokupindura munyaya inenge ichitaurwa. Vakatiwo vamwe chakavashaisa mikana mapfekero chaiwo.
Vari pakutaura vakapa mazano okuti kana wasvika pavahombe (“great men/great women”) iva munhu anodzidzisa nzeve kuterera, muromo wakasonwa, zviya zvinozonzi navakuru “dzinonzwa asi hadzirimi.”
Zvinenge zvisingarevi kuti hauna njere dzokupindawo muhurukuro, asi kuti sezvavanotaurawo pachiRungu, “silence is golden.”
Mukunyarara ikoko, unowana nguva yokunyatsonzwa kuti zviri kutaurwa zviri kunzi chii, uyewo kuti nyaya yacho yakananga kupi. Unowanawo mukana wokunzwisisa kuti zviri kutaurwa zvakananga kupi.
Kutenga nyaya iwe usina kupihwa mukana zvine mubairo mune ramangwana.
Kana ari munhu ange avimba newe, anotanga kufunga kaviri nekatatu kuti zvino ndikavimba naye iyeyu, mangwana haazondinyadzisi here ave kungokusha mashoko pese pese.
Kana munhu ambenge avimba newe pakutanga, chikero chinotanga kuderera.
Paunenge uchifunga kuti mangwana uchawana mumwe zvakare, unozoona ave kuita semunhu wausina kumbotaura naye.
Anovhara masuo, zvokuti kwange kwakanangiswa kunobva kwavharwawo zvakanaka.
Kana munhu uchinzi kunyarara kwakakosha zvinenge zvichireva kuti pamwe mukutaura kwako unozozvipinza muna taisireva, nokuti ivava vanonzi ma”great men” nema”great women” vanhu vanenge vafamba vakaona, kunzwa nokudzidza zvakawanda zvokuti vanenge vave neshuviro youpenyu.
Kana iro shoko raMwari kuna Zvirevo 10:19 inga rinoti, “Kana mashoko ari mazhinji, chivi hachingashayikwi, asi uyo anodzora rurimi rwake akachenjera.”
Bishop Bismark vakatiwo dzimwe nguva unogona kubvunzwa.
Mubvunzo waunobvunzwa hazvirevi kuti nyakubvunza haazivi mhinduro, asi kuti anenge achida kuona kuti uri munhu anoda kuziva zvese zvese.
Yambiro yavo yakave yokuti unoti, “Ndine urombo handizivi mhinduro”, kana kuti unoti ndichaita tsvakurudzo ndokupai mhinduro. Maitiro akadai ndeekuratidza kuti uri munhu anozvininipisa.
Kwave kuzvipfeko, mufundisi weNew Life Covenant vakati, vazhinji vakazvivharira mikana napamusana pokuti vanongoti chero vapfeka.
Havazivi kuti zvavari kupfeka kudaro, vachanosangana navanhu vakaita sei, uyewo kuti vanhu ivavo vakaona mapfekero avo vangafare kuvasimudzira here.
Vamwe vanofunga kuti kupfeka zviri mufashoni zviri kupfekwa nomunhu wese wese ndiko kupfeka chaiko. Kwoitawo magadzirirwo emisoro, kunobva kwaita kuti vanhu vafunge kuti zvii.
System Tazvida akaimba akati, “ndiwe wakazvikanyira wega.” Muromo ndimandiuraisa, uyewo musoro une mutauro usingaendeki hauite.



