Kingstone Mapupu
MUDZIMAI anopinda chechi yeJohane Masowe yeChishanu kuPfungwe, Mashonaland East, anoti akapihwa shavi reuroyi pamasowe pevamwe madzibaba mudunhu iri, izvo zvave kuita kuti apote achiona masaramusi.
Madzimai Dadirai Tondo (42), avo vanobva kuNyanzou, kuPfungwe, munhauranda yeMazowe River Bridge, vanoti vaiva nedambudziko raivanetsa munyama yavo, ndokutanga kuenda kuchechi yeHabakkuk kuti vabatsirwe, asi zvaivatambudza hazvina kupera.
“Dambudziko iri raramba kupera kuHabakkuk, ndakazoenda kuchechi yeJohane Masowe eChishanu pazambara remumwe muporofita wechirume, wandinoziva nezita uye ane mbiri yekushandira nekuyambutsa vanhu. Ndakaita mazuva ndichienda kunobatsirwa pasowe iri kusvikira pandiri patanga kubuda mweya wainzi ndewengirozi hombe,” vanodaro Madzimai Dadirai.
Vanoti madzibaba vaivashandira ava vakazotaura kuti vaigona kugadzirisa mweya waiva waburuka uyu.
“Ndakaenda pasowe iri kuPfungwe, ndokutanga kubatsirwa ndiripo, ndokuzopihwa mbiya yandainzi nditenderedze iine zvinhu mukati. Ndichingopedza, ndakabva ndatanga kuona imbwa tsvuku mbiri pamasowe, dzichingopiringishana nemukati mevanhu.
“Ndini ndega ndaidziona. Imbwa tsvuku idzi dzichibva, kwakauya dzimwe nhema mbiri, ndokutanga kuita zvimwe chetezvo, dzichingopinda nemuvanhu, dzichizogumisira dzaenda pamakumbo emuporofita uyu, dzonopfugama paari,” vanodaro Madzimai Dadirai.

Vanoti masaramusi aya akaenderera mberi. Vanoti pamusoro pezvo, vakatanga kuona mazinyoka mahombe matema achipiringishana nekurumana pasowe iri, achipinda nemukati mevanhu, asi hapana waairuma.
Vanoti nekutya, vakagumisira vave kuridza mhere, vachitiza nemukati mevanhu, kusanganisira nekumuporofita uyu.
“Nezvaiitika izvi pamasowe, vanhu vakagumisira vave kuti ndaipenga. Madzibaba vakuru vesowe iri vaitsigirana nevanhu kuti ndaipenga. Mazinyoka aya, endudzi dzakasiyana-siyana, akazongonyangarika kubva pamasowe apa akananga kumadokero, ndokushaika mumaziso angu,” vanodaro Madzimai Dadirai.
Mudzimai uyu anoti zvichipera izvozvo, akabva atanga kuona vanhu, varume nemadzimai, vachiuya pamasowe apa vasina kupfeka, vachimunongedzera nemazinzara avo marefu.
“Pasowe apa pakauya vanhu vaiva vasina kupfeka, vakashama zvachose, ndokutanga kundinongedzera nenzara dzavo, idzo dzaiva refu.
“Ndakaramba ndichitaura pamusoro pezvaiva mumaziso angu izvi asi mukuru wesowe nevamwe vanamati vairamba vachitaura kuti ndairasika pfungwa. Vanhu ava vakazongonyangarika zvachose,” vanodaro Madzimai Dadirai.
Mudzimai uyu anoti akazofamba kumwe, ndokutaurirwa kuti airwiswa nemukuru wesowe rekuchechi kwaakanga ave kuenda nokuda kwechiporofita, mweya wave kubuda paari.
“Ndakafamba kwakawanda, ndikaturirwa kuti ndaiva ndadirwa mhepo nekuroiwa nokuda kwekurwira kkuru pamasowe sezvo ndakanga ndave kubudirwa nemweya mutsvene. Nokuda kwezvandakaitwa izvi, kwose kwandinoenda ndave kungonzi ndine shavi reuroyi nerechihure,” vanodaro Madzimai Dadirai.
Vanoti vakamboramba vachidzokera kusowe iri kuti vabatsirwe padambudziko ravo asi raitowedzera. Vanoti vanoramba vachiona nyoka nembwa uye vanhu vasina kupfeka vachiuya kwavari vari pamba.
“Mukuru wesowe iri haatomboda kundiona pazambara pake. Ndikasvika anonditi ndiri muroyi. Ndaneta nekufamba kuti ndibatsirwe asi hapana chirikufamba. Ndapedza kutengesa zvinhu zvose pamusha,” vanodaro Madzimai Dadirai.

Kuburikidza nekutsvaga kubatsirwa, Madzimai Dadirai vakashanyirawo dare raGogo Shumba, mumusha weGrange, muguta reHarare. Gogo Shumba vakati mudzimai uyu akaiswa mashavi euroyi paari nemuporofita waanoti aimubatsira uyu.
“Maporofita mazhinji ari kuwedzera simba rawo nekutora mishonga yekukuvadza vamwe vavanofungira kuti vanogona kuvakunda pachiporofita. Mudzimai uyu anotova nemudzimu wekumusha kwake uri kumuchengeta.
“Angadai akafa kare,” vanodaro Gogo Shumba.
Madzibaba Mateo, VaAlfreddie Mupfumbati, vekuBudiriro, muHarare, vanoti zvave kunetsa mazuva ano kuziva muporofita chaiye nevafundisi vechokwadi sezvo vakawanda vave kusanganisa chinamato nemhiko dzemishonga yechivanhu yakaipa.
“Hongu, tiri maporofita asi vazhinji vave kusanganisa chinamato nemishonga yechivanhu yakaipa, kuromba chaiko nekutora simba ravanowana mumvura nekumwe. Saka zvave kunetsa kunzvimbo dzinoenda vanhu vachibatsirwa,” vanodaro Madzibaba Mateo.