Memory Lemani
MUPOROFITA wechikadzi wekugarobhurwa neshamhu semwana mudiki nemurume wake pose pavanonetsana pamwe achivimbiswa rufu anoti asvika pakukanda mapfumo pasi ndokutizira kumba kwemukoma wake.
Eunice Mutiro akaendesa murume wake, Togarasei Tanyanyiwa, kuHarare Civil Court achiti anogara achimurova.
“Ishe, nemurume wangu rugare handichina. Kubvunza zvinhu zvekuti sei asingadi kutengera vana chikafu nekuvaendesa kuchikoro yatova mhosva hombe inoita kuti mukadzi mukuru akaita seni azvambaradzwe. Anondirova neshamhu sekamwana kadiki patinenge tanetsana.
“Ndaisaziva kuti kubvunza kwandakaita uku kudenha mago. Mumba hamudyiwi rinopisa ndikangotanga nyaya iyoyo chete. Vana vedu vari kutochengetwa naamai vangu kumusha. Paakapedzisira kundirova ndakabva ndatuta mbatya dzangu ndikaenda kumba kwasisi vangu,” akadaro Mutiro.
“Anondituka achinditi ndiri h**re uye anoti achandiuraya. Ndava kutotyira upenyu hwangu nekuti ndinogona kungouraiwa sezvo ari kunditevera kwandava kugara.”
Tanyanyiwa akapikisana nemashoko aMutiro achiti:
“Mukadzi uyu ari kundinyepera, ini handizvizive zvaari kutaura. Ari kungopedzera dare nguva netunyaya tusina basa. Pamakore makumi atagara tose handina kana zuva rimwe chete randakambomurova kana kubata shamhu kumurova. Ndakangomuudza maererano nenguva dzekuuya kumba.
“Mukadzi uyu muporofita paari ipapa asi dambudziko nderekuti nguva dzake dzaanobatsira vanhu hadziiti nekuti dzimwe nguva anotopinda mumba pakati pehusiku.
“Handichazivi kuti ndiye anenge achiri kubatsira vanhu here kana kuti anenge ava kutobatsirwawo nedzimwe nzira dzinoita kuti zvisvike pakati pehusiku.
Rimwe dambudziko randakamutsiura nderekuti anongobuda asingataure wozongonzwa munhu ave kuti ndanga ndaenda kunobatsira vanhu.
Pandakangomutsiura akabva abuda nembatya dzake kuenda kwasisi vake.”
Akaenderera mberi achiti mukadzi wake haadi kutsiurwa.
“Tanga tatova nemwedzi miviri tisingataudzane. Handina kuramba kuchengeta vana vangu, asi kuti iye ndiye akaita sarudzo yekuvaendesa kumusha kwevabereki vake.
“Ndoona sekuti ava nedzimwe pfungwa dzisiri dzekuda kuti tigarisane, kunyanya ndikatarisa kamushandiro kaava kuita kusowe rake. Handina dambudziko nekusasvika kwaanogara,” akadaro.
Mutongi Trevor Nyatsanza akapa Mutiro gwaro rerunyararo.



