Muporofita arova mudzimai akabva pamuviri

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA anova muvambi wechechi yeLiving Waters Church kuMbizo, kuKwekwe akasungwa nekuda kwemhosva yekurova zvakaipisisa mudzimai wake aiva nepamuviri zvakazoita kuti abve pamuviri apa.

Prophet Simabyu Shiri (37) anonzi akarova zvakaipisisa mudzimai wake, Trisha Samantha Maphosa (28), nemusi wa22 Kukadzi kuKwekwe.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Shiri anonzi akarova zvakaomarara mudzimai wake nekuda kwemhosva isina kutsanangurwa.

“Prophet Simabyu Shiri anonzi akatanga kurova mudzimai wake uyu aiva akazvitakura pamuviri pemwedzi misere achimuvhundutsira kuti aida kumuuraya pamwe chete nemwana aiva mudumbu,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti nemusi wa26 Kukadzi, Maphosa akabva atakurwa achirwara kuendeswa kuchipatara chekunharaunda iyi uko akasvikosununguka mwana asina kusvika uyowo akazofa muzuva raitevera.

“Prophet Simabyu Shiri akabva asungwa nemusi wa27 Kukadzi uye akachengetedzwa mutorongo achimirira kuzoendeswa kudare reKwekwe Magistrates Court,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *