Muporofita odzura mazino nepinjisi

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wechechi yeJohanne Marange ari kunzvimbo yeSunside Central, kuZvimba East, ari kudzura vanhu mazino nepinjisi nekubatsira kusunungutsa madzimai akazvitakura.

VaRabahuma James Nduku (65) vanoitira sowe ravo pamba pavo kuVillage 6 panzvimbo inozivikanwa nekuti pachitsidzo.
“Ndinobatsira mukurapa zvirwere zvakawanda pano pachitsidzo pandinogara nemadzimai angu mashanu nevana vangu 17 pamwe chete nevazukuru.

“Ndinodzura mazino nepinjisi pasina dambudziko. Handibaye majekiseni echiveve, chiveve chinoiswa naMwari.
“Madzimai tinosunungutsa ndichibatsirwa nemadzimai maviri vananyamukuta pano avo vanogona,” vanodaro VaNduku.
Vanoenderera mberi vachiti, “Munyaya dzemazino, ndinodzura zvakanaka ndichitofayera aye mazino anoda kuitwa izvozvo. Ndakabva kurasa mimwe midziyo yandinoshandisa musi uno ndichibva kurwendo kwandaidzura vamwe varwere mazino kuChegutu.

“Vanhu vanotyoka makumbo vachida kugadzirwa mabhonzo ndinoita, ndichitosona nyama dzadambuka netsono dzinoda kubatanidzwa pasinawo zvakare kuvabaya majekiseni echiveve.”

Machiremba echirungu vanobaya majekiseni echiveve nekukotsirisa varwere izvo muporofita uyu asingaite apo anosona varwere kana kuvadzura mazino.

“Isu hatiende kuzvipatara saka tichizviitira toga, uku kurapa varwere vedu,” vanodaro VaNduku.

Makore mashoma adarika, Kwayedza yakaburitsa nyaya yemumwe muporofita weJohane Masowe weChishanu, Madzibaba Elias Gomwe (32), avo vane sowe ravo kwaSeke uye vanoti vane nechipo chemakore mashanu vachidzura varwere mazino vachishandisa maoko avo.
Papasika apa pazere matende ayo anonzi anogara madzimai anenge akazvitakura vachimirira kusununguka.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×