Mupunga nehove kunaka!

MUPUNGA wakasanganiswa nehove kudya kunonaka uye kuchivaka muviri sezvo muhove muine mapuroteni neiron kuchizoti mumupunga mune macarbohydrates.

Svondo rino Mbuya Magaret Muganyi vekuBikita vanotitsanangurira mabikirwo emupunga wakasangana nehove.

Zvinodiwa:

Mupunga, hove dzemhando yaunoda, munyu, mafuta, garlic, matomatisi, hanyanisi kana fish spice.

Mabikiro:

Tora komichi imwe chete yemupunga.

Dira makomichi matatu emvura wokanda twumunyu netwumafuta twushoma, wosiya zvifashaire.

Kana zvaibva chibura wobika supu yematomatisi nehanyanisi parutivi.

Mushure meizvi, tora hove dzako dzakaparwa uye dzakatumburwa nekugezwa zvekuchena.

Mwaya munyu nefish spice pahove dzako wodziisa muhovhoni.

Wozodii?

Kana hove dzaibva, dzinoonekwa nekutsvukirira.

Dzicheke nebanga kuti dziibve zvose nemukati.

Kana zvadai, chibura udye zvako machikichori nemhuri.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×