Mupurisa arumwa nzeve ikadambuka nahwindi

Arron Nyamayaro

MUMWE mupurisa akarumwa nzeve yake yekurudyi ikadambuka mushure mekurwiswa uye kuzopambwa nemutyairi wekombi achibatsirana nakondakita wake kuRhodesville, muHarare nemusi weSvondo.

Constable Shadreck Jongwe (36) vakaendeswa kuchipatara cheParirenyatwa Hospital Group of Hospitals kunorapwa uye ndokuzoburitswa.

Shepherd Kazingizi (35) naTakudzwa Pachavo (29), avo vose vanogara kuRuwa, vanonzi vakapamba Const Jongwe ndokutiza navo vakananga kuEstelea vachibva muHarare Central Business District.

Const Jongwe, pamwechete naConst Chinhamo, vaive pabasa vachiona kufamba kwemotokari pamugwagwa apo vakamisa Kazingizi mushure mekunge atakurira vanhu panzvimbo isingatenderwe.

Kazingizi aityaira Toyota Hiace (ine nhamba dzinoti AGJ 9866) yeruvara rwuchena apo Const Jongwe vaida kuenda nekombi iyi paRoadport Police Post kuitira kuti mutyairi wayo abhadhare faindi.

Const Chinhamo vakasara vari panosangana migwagwa vachienderera mberi nebasa ravo.

Kazingizi akaramba kuterera zvaakange audzwa nemapurisa aya ndokutyaira kombi yake, Const Jongwe varimo mukati, ndokuenda nekumabvazuva ari mumugwagwa Robert Mugabe.

Panguva iyi, Pachavo akarova Const Jongwe nezvibhakera kakawanda.

Mumwe wevaviri ava akazoruma Const Jongwe nzeve yavo yekurudyi vasati vavasiya mumugwagwa Robert Mugabe, pedyo neRhodesville.

Kazingizi naPachavo vakazosungwa mushure mekunge mapurisa ashandisa motokari yaMelisa Manon’ore kuvaronda.

Mumwe kondakita wepachiteshi cheSimon Muzenda Bus Terminus, uyo akangoti anonzi Nyamudzanga, anotaridza kushushikana nekukanganiswa kunoitwa basa ravo nemhirizhonga yerudzi urwu.

“Ndine fungidziro yekuti pane zvavakange vanwa kana kutora,” anodaro Nyamudzanga. “Haufe wakahwinha kana ukatanga hondo nemapurisa. Maitiro avo anotaridza kushaya huchenjeri uye anotowedzera kuti hukama hwevabati vezvemutemo nevatyairi vemakombi husamire zvakanaka.”

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *