Mupurwa unopfumisa here? . . . kana kukuvadza muvengi wako

Kingstone Mapupu

PACHIVANHU, kune mhuka dzinonzi dzinoshandiswa nevanhu vanoita mabasa akaipa kana kuti erima akadai sekuromba nekuroya idzo dzinosanganisira bere, zizi, nyoka nemupurwa.

Mazuva ano, zvinotaridza kuti vamwe vanoshereketa vari kunyanya kufarira kushandisa mupurwa.

Mupurwa imhuka inotyisa kana ukasangana nawo musangano, kunyanya ukamira nemakumbo wakaburitsa rurimi rwakareba uye wakakutarisa.

Kunzvimbo dzakadai sekumaruwa, mupurwa unozivikanwa nekusunga makumbo emombe mhou iri kuyanwisa wobva wayamwa mukaka wacho.

Kazhinji, kana mhou ikayanwiwa nemupurwa zvinokonzera kuti nyatso dzacho dzitsemuka uye nekuzotapukira kwezvirwere zvakasiyana kumhuru inozoyamwawo panyatso dzimwechete.

Mupurwa une mukurumbira zvekare wekurova imbwa zvakasimba uchishandisa muswe.

Imbwa dzakangwara kana dzichirwisa mupurwa, hadzife dzakaenda nekumuswe nekuti dzinoziva kuti hapabude chakanaka.

Asi, ko avo vanonzi vari kushandisa mupurwa mabasa akaipa akadai sekuroya nekuromba vari kumbozvifambisa sei?

Munguva pfupi yadarika, padyo negedhi reimwe kambani panosangana mugwagwa Nkwame Nkrumah naPark Street muguta reHarare pakaonekwa pakakandwa mupurwa wakafa munguva dzemangwanani.

Mupurwa uyu waive une zvuma muhuro uye nenyanga nezvimwewo.

Pavanhu vaive vakaungana vachiona mupurwa uyu pamwechete nekutora mifananidzo, hapana akada kutaura neKwayedza kuti zvaive zvambofamba sei kuti uzowanikwa panzvimbo iyi.

Chiitiko ichi chakamutsawo kutaura kwakasiyana-siyana.

Sekunge izvi zvishoma, pakatsva musika weMbare munaGumiguru gore rapera, pakakuda mashoko ekuti pane mipurwa ine chitsama yakaonekwa ichitiza moto uyu.

Izvi zvakaita kuti vamwe vafungidzire kuti mipurwa iyi inogona kunge yaishandiswa nevamwe vanhu kuti vaite mari kuburikidza nekuromba.

Mai Letwin Manguwo, avo vanonyanya kuzivikanwa nekunzi Gogo Mamoyo vekwaSeke, vanoti kune vamwe vanhu vari kushandisa zvisikwa zvakaita semupurwa mumabasa akaipa akadai sekuromba.

“Mupurwa imhuka yakangofanana nedzimwe asi kune vanhu vanoturika mweya yevanhu vakafa pamhuka iyi, vamwe vachiishandisa kuroya. Kune vanoisawo makona nezvikwambo zvavo pamipurwa, koita vanodya mipurwa zvakare,” vanodaro Gogo Mamoyo.

“Tine vamwewo vava kushandisa mhuka idzi, mipurwa, pakuvhundutsira vanhu. Unoona yakasungirirwa zvuma, nyanga nemazango zvokandwa pamhararano kana padzimba dzevanhu. Uku kurwisana kwevanhu vanenge vasingawirirane, asi mipurwa inoshandiswa pakuroya nekuromba chaiko iriko,” vanodaro Gogo Mamoyo.

Vanoenderera mberi vachiti: “Huku kana mbudzi nehwai dzinoturikwa mweya yevanhu vakafa zvotandirwa kusango. Kamba chaidzo munoona dzakaiswa zvakare zvuma.”

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Amos Kafera (75) vekuChitungwiza vachiti kune vamwe vanhu vari kubata-bata mazuva ano.

“Mipurwa inotambudzwa nevanhu vanoshereketa nevamwe vanoda kuvhundutsirana. Kubva pamipurwa, panogona kugadzirwa zvikwambo uyewo mheni negondwawaturuka (mubobobo),” vanodaro Sekuru Kafera.

Vanoti mipurwa inogadzirwa nemishonga kuti inotora zvinhu kuvanhu kana kunokama mombe dzevanhu usiku.

“Kazhinji ukaona mupurwa kuchinaya ibva panzvimbo iyoyo nekuti mheni iri padyo nekurova. Kana kuuonawo pamba pako zvinoshura, zvisinei kuti kune mimwe mipurwa yaMwari inongozvifambirawo. Zvipuka izvi hazvifanirwe kuuraiwa, zvinoda kuchengetedzwa,” vanodaro Sekuru Kafera.

Madzibaba Gamba, VaMartin Madzura (50), vemuHarare vanoti mupurwa hauna chakaipa asi kuti kune vanoushandisa zvisizvo.

“Mhuka dzose dzinogona kushandiswa mabasa asiriwo zvakaita seiyo mipurwa, mazizi, nyoka, mbeva nezvimwe zvakasiyana,” vanodaro.

Vanoti pachivanhu, mhuka yose – ingava yemumusha kana yemusango – inogona kuiswa mweya yevafi kana yevaroyi.

“Varoyi vane simba rekusandura kunyangwe shumba chaiyo, nyoka nemipurwa vozvishandisa kuroya nazvo. Asi panyaya yemipurwa, kune vava kusungirira machira nezvuma senzira yekuvhundutsira vamwe vanhu chete. Tinoti ngatisiyanei netsika yekushungurudza zvisikwa izvi. Kune vamwe vanoita mabhidhiri ekunotozvitora mumvura vonokanda pamisha yevanhu kuti vagovabira mari yavo vachiti vari kuvabatsira kubvisa zvikara izvi asi ivo vari maguruvhani,” vanodaro Madzibaba Gamba.

Related Posts

Zim yosimbaradza kudzivirira kupararira kweHIV

Muchaneta Chimuka  HURUMENDE iri kutarisira kugamuchira kubva kunze mimwe mishonga yeLenacapavir iyo inobatsira mukudzivirira kutapurirwa hutachiona hweHIV munguva pfupi iri kutevera izvo zvichabatsira veruzhinji vari panyatwa yekutapurirwa hutachiona uhu. Lenacapavir…

Murume (25) aponderwa pabhawa

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 25 okuberekwa wekwaSabhuku Mbombela kwaMambo Malisa kuSilobela, kuKwekwe akapondwa achiita zvekutemwa mumusoro nebhodhoro redoro nemumwe murume pabongozozo remubhawa. Nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika panzvimbo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×