Batsirai murume ayaura negomarara

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 62 okuberekwa wekuBudiriro 5B, muHarare ari kuyaura nemarwadzo zvichitevera dambudziko regomarara remuura pamwe nereduriro (Gastric neProstate cancer) nekudaro ari kutsvaga rubatsiro rwemari yekurapwa pamwechete neruyamuro rwechikafu sezvo angova munhu wepanhowo zvichitevera kukomba kwehurwere uhwu.

VaEdward Francis Muranganwa vanoti vakatanga  vachirwadziwa nebudumbu uye vachirutsa asi vachienda kuchipatara vachingotaurirwa kuti pamwe vane maronda emudumbu kana kuti yaive mvura yakasviba yavaishandisa mukunwa zvisinei nekuti zvaisava izvo.

“Ndakaramba ndichirapwa chirwere chemanyoka izvo ndaitorera chirwere chegomarara nekuti ndainge ndisina kuvhenekwa. Gomarara iri rakavhenekwa mumwedzi waMbudzi muna2023 ndikazovhiiwa munaNdira gore rino. Ndakazoenda zvekare ndikanovhiiwa kechipiri mumwedzi waKukadzi, machiremba akati ndine gomarara remudumbu rinova ratokomba sezvo ratova paStage 4 asi vakati havasi kuribvisa rese nekuti ringazoramba richikura,” vanodaro.

Vanoti pakuzvibatsira, vanoshandisa chubhu ine chibhegi (colostrum pack) iyo inofamba netsvina  mushure mekuboorwa padumbu nemachiremba  sezvo vasisakwanisi kuzvibatsira vega.

“Ndiri kurwadziwa zuva nezuva hama dzangu, kana paine vanokwanisa kundibatsira ndapota ndinokutendai nemweya waMwari. Ndinogara panhamba 8061 Budiriro 5B, Man’ono Crescent, Harare kana paine vanodawo kundiona. Handisi kukwanisa kudya nekuti ndikangodya chikafu kana kunwa mvura dumbu rinowedzera kuzvimba uye ndinorutsa pakarepo. Ndiri kufanira zvekare kuitwa     CT Scan asi mari handina. Ndiri panguva yakaoma. Ndinofanira kubaiwa majekiseni emarwadzo anoita kuti ndikwanise kurara pamwe nekupota ndichiendeswa kuSally Mugabe Central Hospital kunotariswa asi mari yacho handina,” vanodaro.

Vangada kubatsira VaMuranganwa vanovabata panhamba dzinoti: 071393856 kana kuti 0774870205 dzeEcocash dzinova dzemudzimai wavo, Mai Patricia Muranganwa.

VaMuranganwa vanoti dzimwe hama dzavo dzaimbovabatsira dzakati rubatsiro rwadzakavapa rwakatokwana sezvo dziri kuomerwawo nehupenyu.

“Kuti ndiitwe  CT Scan kuWestend Clinic pari kudiwa US$350, panozodiwa  mari yekuti ndipote ndichinopiswa masero egomarara (chemotherapy) uye mishonga. Ndiri munhu ane mhuri yainge yakatarisawo kwandiri asi nehurwere zvinorwadza kuti handichakwanisi kuriritira mhuri yangu,” vanodaro.

VaMuranganwa vane vana 4 nevazukuru 4 zvekare uye dangwe ravo munhu akaremara kureva kuti mudzimai wavo ari panguva yakaoma pekupepa murwere nekuchengetawo mwana akaremara.

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×