Muramu oda vharamuromo

NDINOKUKWAZISAI tete,
Ndiri murume ane makore 34, ndakaroora uye ndine vana vaviri. Ndinogara nemudzimai wangu naamainini muramu wangu. Rimwe zuva ndakafarisa ndikati ndapinda mudhorobha ndokusangana nemumwe musikana wandaimbofambidzana naye.

Zvese izvi zvainge zviri mumaziso amuramu wangu, vakanditaurira zvose zvandainge ndaita nemusikana uyu mudhorobha. Ndakanyara zvikuru.

Asi havana kuudza mukadzi wangu. Dambudziko nderekuti amainini vangu vava kuda vharamuromo, vava kuda kuti ndipote ndichirara navo ndiko kuti vasamhangara kumudzimai wangu. Ndoita sei tete?

C.J.B.
Chitungwiza.

MHINDURO:

Nyaya yako yakaoma muzukuru. Mainini ava ipfambi, vagara mumba mako umu vanga vachikuchiva, ndivo vanhu vaya vanouraya vana sisi kuti vagare nanababamukuru.

Ukabvuma kurara navo watopara mhosva yakakura kudarika yemutorwa uyo waifambidzana naye mudhorobha.

Zano randingakupa kuti nyaya ipere iwe buda pachena kumudzimai wako, kuti  wakasangana namainini uchifamba nemunhu wawakambodanana naye. Ndiko kuti nyaya itopera nekuti weropa ndeweropa, ukada kutaura kuti mainini vari kuda bonde newe vanogona kukupandukira.

Iwe reurura kumudzimai wako mainini ava vasati vakutaurira neimwe nzira, izvo zvinozoita kuti munetsane nemudzimai wako. Uye ukatanga kurara nemuramu wako kuzozviregedza kuchanetsa, munogona kuzoita mwana, saka zviri nane utsve kamwe chete nekureurura.

Tete.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×