
VAKADZI vaviri vekuDzivarasekwa Extension, muHarare, avo vose vanove nhengo dzeimwe co-operative inovakira veruzhinji dzimba, vatsvukisirana maziso vachirwira imba yavanoti vose ndeyavo.
Imba yamutsa mutauro iyi iri panhamba B0071 Dzivarasekwa Extension uye iri pasi peNehanda Housing Co-operative.
Gakava iri rasvika pekuti uyo ari kuzviti ndiye muridzi wemba ave kugara panze nemhuri yake zvose nemidziyo apo ari kunzi iroja ndiye ava kugara muimba iyi.
Mai Ellis Mashongwa (47) vanoti ndivo muridzi wemba iyo yakazotorwa zveginya neroja ravo, Mai Queen Maphosa (49).
Vose vaviri ava inhengo dzeNehanda Housing Co-operative iyo Mai Mashongwa vanoti vakave nhengo muna 2005 avawo Mai Maphosa mugore ra2004.
Mai Mushongwa vanoti imba ndeyavo nekuti ndivo vakaipihwa neco-operative iyi muna 2013 sezvo vanhu vaipihwa dzimba kuburikidza nekubhadhara kwavo zvisinei nekuti akatanga kuve nhengo ndiani.
Mai Mashongwa vanoti Mai Maphosa vakauya kwavari vachitambudzika zvikuru vachitsvaga pekugara ndokubva vatenderana kuti varoje pamba pavo muna 2013.
“Amai ava vakuuya vachitsvaga imba, ini ndikavapa nokuti ndaigara imba yekubasa kuMandara uko kwandinoshanda samaneja kukambani yeShowman Tours. Asi vave kuramba kubva pamba pangu, ndakavapa notice kubvira gore rakapera nokuti vakanga vasisabvise mari yemba.
“Ivo vanotaura zvokuti vakatanga kutenga imba muna 2004 ini 2005, handiti imba munhu unopihwa nekubhadhara kwako?” vakadaro.
Mai Mashongwa vari kugara pachidziro chemba iyi pamwe nemidziyo yavo uye vanoti vari kutobatsirwa nevavakidzani vavo nezvekudya pamwe nechimbuzi.
“Zvinongorwadza kuti munhu unenge uine imba yako asi mumwe munhu orambiramo. Mudzimai uyu ave negore rose asingabhadhari mari yerendi, ndiko kusaka ndakaona kuti regai ndiuye ndigare pamba pangu asi ari kurambirapo.
“Nyaya iyi takaikwidza kumapurisa nokudaro vakuru veco-operative yedu vari kuti vachavakira muroja wangu imba yechimbi-chimbi. Asi vari kuti ndichafanopihwa imwe kamuri yemba yekuti ndigare muimba imomu zvinova zvandiri kupikisana nazvo kana takatarisana nemitauro iripo nhasi uno. Ko, tikazoisirana chefu muchikafu nekuti hatisi kunzwanana?” vanodaro Mai Mashongwa.
Mai Maphosa vanotiwo ichokwadi kuti vakatanga vachiroja pamba apa vachibhadhara mari yerendi kuna Mai Mashongwa asi ndokuzopedzisira vave kuibhadhara kuNehanda Housing Co-operative.
“Pandakatanga kuroja pamba pano ndakange ndichibhadhara mari kumuridzi wemba, Mashongwa. Ndakabhadhara mari inosvika US$1 610. Asi ndakazoregedza ndave kubhadhara kuco-operative nekuti veco-operative vaiti dzimba ndedzavo nekuti ndivo vakadzivaka saka mari yaisafanira kuenda kumuridzi wemba,” vanodaro Mai Maphosa.
Vanoti Mai Mashongwa havaifanira kunge vakapihwa imba ivo vasati vawana sezvo vakazove nhengo yeco-operative iyi mumashure mavo.
Mai Maphosa vanoti pamakore avagara pamba apa, vange vachiivandudza pamwe nekuita zvimwe zvakasiyana. Faith Nyakabawo, uyo anove muvakidzani wemadzimai maviri aya, anoti zvose zvakaitika pamba apa kubva pakutanga zvaive mumaziso ake.
“Munhu uyu (Maphosa) haabatsirike zveshuwa. Ungarambira mumba memuridzi apa unoona kuti ishirikadzi? Pamusoro pezvo haana kana tsitsi, anosiya muridzi wemba achirara panze. Haamupi mvura yekunwa kana kumuti apinde ashandise chimbuzi nekugeza apo anorwara sezvo akaita tsaona akaiswa simbi kumusana uye nzeve dzake hadzinyatsonzwa,” anodaro.
Munyori mukuru weNehanda Housing Co-operative, VaAndrew Marauka, vanoti vaviri ava vachafanogara muimba imwe chete iyi apo imba yaMai Maphosa ichange ichivakwa.
“Hakuna kana zvinhu zvakamboipa zvakaitika kuno. Tichangoita kuti vaviri ava vagare muimba imwe chete tichivakira mumwe nekuti vose inhengo dzedu. Tiri kugadzirisa zvose, hazvimbodi vemapepanhau izvi,” vanodaro.




