VABEREKI nevadzidzi vanogashira zvakasiyana danho rakatorwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari rekuti zvidzidzo zviri kunyorwa pabvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council zviwedzerwe kubva pazvina zviripo pari zvino kusvika pazvipfumbamwe.
Gurukota rebazi iri, Dr Lazarus Dokora, nguva yadarika vakati vane hurongwa hwekuti kunze kwebvunzo dzeMathematics, Shona/Ndebele, English neContent, vana veGrade 7 vange vachinyora zvimwe zvidzidzo zvinosanganisira Physical Education, Mass Displays and Sport, Visual and Perfoming Arts, Science and Technology neHeritage Studies.
Hurongwa uhu hunotarisirwa kutanga mugore ra2016 uye kanzuru yeZimsec yakatoudzwa kuti itore matanho akananga kuona kuti hwabudirira.
Dr Dokora vanoti zvidzidzo izvi zvichange zvichiitwa nevadzidzi veGrade 3 kusvika 7.
Vanoti kunze kwekunyora bvunzo idzi, vadzidzi vachange vachiongororwa vari mumagwaro akasiyana uye izvi zvinozoshandiswawo pavanopedza Grade 7 apo mamakisi avanenge vakawana anozove nechikamu chikuru chekubudirira kwavo pabvunzo idzi.
Dr Dokora vanoti bazi ravo rakatora danho iri mushure mekuona kuti pane kuperevera kuripo pakuti vadzidzi veGrade 7 vange vachinyora bvunzo dzezvidzidzo zvina chete sezviri kuitwa pari zvino.
Vanoti zvakare huwandu hwemibvunzo yefembera-fembera (multiple choice) pabvunzo dzeGrade 7 huchadzikiswa apo vadzidzi vanenge vave kutarisirwa kushandisa ruzivo rwavo rwakadzama mukupindura mibvunzo.
Kwayedza yakataura nevabereki nevana ikanzwa mafungiro akasiyana.
Mai Agnes Dauti-Makokotela (59) vemuHarare vanoti zvakanaka kuti zvidzidzo zvinonyorwa pabvunzo dzeGrade 7 zviwedzerwe.
“Dzidzo inofanira kuvandudzwa nekuti nyika iri kusanduka. Hatingarambi takangogumbatira zvataiita kare. Upenyu hausi kudzokera kumashure uye magariro edu nenguva zviri kusanduka nekudaro tinofanira kufambirana nenguva,” vakadaro Mai Dauti-Makokotela.
Mwana wavo, Duncan Makokotela (18) wekuBudiriro 5A, anoti kuwedzerwa kwezvidzidzo zveGrade 7 idanho guru rinosimudzira dzidzo muZimbabwe nokudaro rinofanira kupembedzwa.
“Tinofara kwazvo nedanho riri kutorwa neHurumende kuti vadzidzi veGrade 7 vanyore zvidzidzo zvizere. Zvidzidzo zvina zvatakadzidza isu zvishoma uye zvinogona kungopaswa nemunhu wese nekuti munhu anogona kungofembera maanza pa’multiple choice’.
“Zvino nedanho idzva iri, hakuna zvakadaro. Vadzidzi vanenge vachiratidza hunyanzvi hwavo nekunyora zvavakarava ndizvo zvinobatsira kuti munhu azoenda kusekondari njere dzakarodza uye vadzidzisi havazonetseki nekufundisa madofo nekuti anenge achidzokorora paGrade 7 pavanenge vadoforera,” akadaro.
Rommy Josum (15), uyo ari kuita Form 3, anoti haatenderane nepfungwa yekuti zvidzidzo zvinonyorwa pabvunzo yeGrade 7 zviwedzerwe.
“Ini handioni chikonzero chekuti zvidzidzo zviwedzerwe nekuti tiri kungoona vadzidzi vakawanda veGrade 7 vachifoira. Kana zvidzidzo izvozvo zvikawedzerwa panomuka dambudziko guru nekuti vana vanenge vave kuda nguva yakareba vari muzvikoro.
“Kana izvo zvidzidzo zvepazororo zviye zvaimborambwa tinoona zvave kudzoka nekuti vadzidzi vanenge vachitya kudofora uye vadzidzisi vanogona kukundikana kupedza sirabhasi,” akadaro.
Noah Shanguru (23) wekuChipinge anoti zvakanaka kuti zvidzidzo zviwedzere kuitira kuti dzidzo yemunyika muno irambe iri pamusoro pedzimwe muAfrica.
“Ko, tingaramba takangomira panzvimbo imwe chete kuti tiri dombo here? Nyika iri kusanduka pamwe chete neruzivo rwayo nokudaro ngatifambiranei nenguva. Asika, zvidzidzo izvi hazvifaniri kungowedzerwa pasina kuwanisawo zvikoro midziyo inofambisa zvidzidzo izvozvo zvakanaka yadakai semakombiyuta, mabhuku nemarabhoritari,” anodaro.
Joyce Chirine (14) wemuHarare, uyo achangobva kunyora Grade 7 gore rino, anoti haawirirane nepfungwa yekuti zvidzidzo zvinonyorwa pabvunzo idzi zviwedzerwe.
“Zvidzidzo izvi zvikawedzerwa kuita zvipfumbamwe ndinoona pachiita dambudziko rekudofora chaiko nekuti zvinenge zvawandisa zvekuti vadzidzi vanoshaya zororo. Inini chaiye handisati ndatora magwaro angu ezvakabuda paGrade 7 nekuti ndine chikwereti chemari yechikoro baba vangu vakashaya,” akadaro Chirine.
Mai Simurita Jipi (35) vemuHarare zvakare vanoti zvidzidzo zveGrade 7 ngazvisawedzerwa nekuti zvinowanza mitoro kuvadzidzisi nevadzidzi.



