Liberty Dube
MUDZIMAI wekuChimanimani, uyo wekuzviitira tsvina apo akayedzerwa ari pamumwe musha ari musvo ndokureurura kuti muroyi zvekare achida kubvuta kamwana kepamusha uyu, akabatwazve svondo rapera ari pamumwe musha.
Mushure mekunge awanikidzwa ari pamba pemumwe mukadzi waanogara naye munzvimbo imwechete achida kubvuta muzukuru wake nguva yadarika, svondo rapera akabatwa zvakare ari pane mumwe musha.
Enesis Kaisa anonzi akaonekwa achida kupinda mumba memunhu waaida kuroya umo ainge arere.
Kusiyana nenguva yadarika apo akabatikidzwa ari musvo, Kaisa pachiitiko chepiri ichi aive akapfeka nhumbi dzake.
Mambo Saurombe vekudunhu iri vanotsinhira chiitiko ichi vachiti chakatora nzvimbo kubhuku raChiutani.
Vanoti Kaisa anogona kudzingwa mudunhu ravo kana akawanikwa aine mhosva pachapinda nyaya iyi kudare ravo.
“Izvi hazvigamuchirike zvachose. Apo takange tichangopedza kutonga nyaya yake yekutanga mushure mekunge abatikidzwa achida kuuraya mwana wemumwe munhu, adzokorora zvakare. Achamiswa mudare rangu uye Mambo Muusha vanotarisirwa kuve varipo zvakare. Tichatonga tose nyaya iyi,” vanodaro Mambo Saurombe.
“Akaita mhanza yakaipa nekuti vanhu vakawanda vemunzvimbo iyi vave kuchengetedza misha yavo nemiteyo. Ndinovimba kuti akange asina ruzivo nemamiriro ezvinhu aya. Kana akawanikwa aine mhosva, tichamudzinga kubva mubhuku raari kugara asi anofanirwa kutanga aripira mhosva dzake. Hatidi zvachose maitiro akadai.”
Dare rakaudzwa kuti Kaisa akabatikidzwa mambakwedza akarara pachivanze chepamusha pemunhu waaida kuroya.
Anonzi akati aive asina ruzivo rwekuti akasvika pamusha apa sei?
Vagari vemunzvimbo iyi mushure mekushushikana nechiitiko ichi, vakabva vamhan’ara nyaya iyi kudare raMambo Saurombe.
Kaisa svondo rapera akamiswa mudare ramambo ava zvakare nemhosva yekuda kubvuta kasvava kubva kune mumwe mukadzi waanogara naye mubhuku rimwechete apo aive ari musvo.
Zvinonzi Kaisa akabatwa asina kusimira nhumbi ari pamusha paEsnath Muyambo apo aida kubvuta mwana uyu.
Kaisa anonzi akazviitira dope apo aidzungaira pamusha paMuyambo mushure mekunge abatikidzwa.
Mudzimai uyu akareura kuti akange ane chinangwa chekuuraya mwana uyu uye achiti aive atumwa nemumwe mugari wemubhuku ravo anove mukuru-mukuru wevaroyi.
Kaisa akapihwa mutongo wekuti abvise mombe mbiri mushure mekunge abvuma mhosva yake yekuita mabasa ehuroyi.
“Esnath Muyambo anozivikanwa semhare panyaya dzekunamata. Anochengetedza musha wake kubva kuvaroyi nevamwe vanoshereketa kuburikidza nemiteyo.
“Muzukuru wake ndiye aida kubvutwa musi uyu asi ainge akachengetedzeka. Kwainaya musi uyu uye Kaisa aive ari musvo paakabatwa achida kupinda mumusha waMuyambo.
“Akabatikidzwa naMuyambo apo aive achiri mamita 200 asati asvika pachivanze chemusha,” vanodaro Mambo Saurombe.
Vanoenderera mberi vachiti, “Tsvakurudzo yakaitwa inotaridza kuti Kaisa akange atumwa nemumwe anodzidzisa varoyi (witchcraft instructor) munzvimbo mavo.”




