Kingstone Mapupu
SANGANO rakazvimirira reCreating Better Futures (CBF) riri kutsigira kufundiswa kwezvidzidzo zvemabasa emaoko muzvikoro uyewo nekuti vadzidzi vabatsirikane kuburikidza nemabhindauko aya panguva iyo nyika iri kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.
CBF nguva pfupi yadarika yakabatsira chikoro chekwaMutare, kuManicaland, nenguruve dzekupfuya nechinangwa chekusimudzira mabasa ebudiriro pachikoro ichi.
Pamusoro pezvo, sangano iri rinobatsira zvakare vadzidzi vanotambura nenzira dzinosanganisira kuvabhadharira mari dzemafizi, kuvatengera mayunifomu nekuvapa chikafu.
Mai Beverley Matondo (60) vanova muvambi wesangano iri vanoti munguva pfupi yadarika vakapa nguruve kuchikoro cheChitakatira Primary School chinowanikwa mumugwagwa wekuenda kuBurma Valley, kwaMutare.
“Kubva pakatanga chirwere cheCovid-19 munyika, zvikoro zviri kutarisana nematambudziko makuru apo vamwe vana vari kushaya chikafu kudzimba dzavo nekuti vabereki vanenge vasingaende kumabasa. Sesangano, takapindira nekubatsira zvikoro munyika nekupa kudya kunosanganisa bota, mahewu nezvimwe,” vanodaro Mai Matondo.
Vanoenderera mberi vachiti, “Tine zvikoro zvinokwana makumi mashanu munyika zvatakasarudza kuti titangise mabasa akasiyana. Takatanga nechikoro cheChitakatira Primary icho takapa nguruve mbiri dzinotova nemawuta uye dzikabereka — sezvinotaurwa nenyanzvi kuti nguruve dzinogona kuita vana 12 kusvika 15 paimwe chete — zvinoreva kuti twana utwu twunokwanisa kusvika 30.
“Pachikoro apa vaivawo nenguruve dzavo kare saka dzinobva dzawanda,” vanodaro Mai Matondo.
Vanoti nekuda kwechirwere cheCovid-19, chikoro ichi chiri kusanganawo nedambudziko rekushomeka kwechikafu chenguruve nekudaro vari kubatsirawo.
“Takaona zvakakodzera kutanga nechikoro ichi chakagara chiine ruzivo rwekupfuya nguruve sezvo kune zvimwe zvikoro tiri kutanga nekuendesa vanodzichengeta kuzvidzidzo kuPig Industry Board (PIB),” vanodaro Mai Matondo.
“Kunze kwenguruve, tiri kupawo huku netsuro muzvikoro kuti zvikwanise kuzviraramira vachiwana mari.”
Vanoti vane hurongwa hwekutanga zvakare chirongwa chekupfuya hove muzvikoro vachibatsirwa neveZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zimparks).
“Nekufamba kwenguva, tinoda kushanda nebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority kuvamba zvirongwa zvekupfuya hove nemadhakisi muzvikoro zvine mvura senzira yekusimudzira zvidzidzo zvemabasa emaoko,” vanodaro Mai Matondo.




