Murray akaipirwa

Andy Murray of Britain hits a forehand r
SHASHA yemutambo wetennis, Andy Murray, ava panhamba 3 pashangwiti dzemutambo uyu pasi rose apo akatora chinzvimbo chaiva naRafael Nadal, sezvakabuda muongororo yakaitwa nesangano reAssociation of Tennis Professionals. Chizvarwa chekuScotland, Murray, akambosimukira zvekuita nhamba 1 pashasha dzetennis pasi rose mushure mekudashura kwaakaita Novac Djokovic mugore ra2013 kumakwikwi eWimbledon padanho refainari.

Akambodzokera kumashure zvikuru apo akaita nhamba 12 gore rakapera muna Gunyana zvichitevera kukuvara kwaakaita musana izvo zvakazoita kuti anovhiyiwa.

Murray achange akadzvokorana meso naNovak Djokovic pamwe naRoger Federer.
Federer akakunda Mikhail Youzny svondo rino nezvibodzwa 6-3 6-1.

Shasha yekuBritain, James Ward, achatatsurana naFeliciano Lopez anova nhamba 2 kunyika iyi.
Murray akapedzisira kupinda mumakwikwi apo akakunda Gilles Simon kuRotterdam uye kugwinya kwaakaita mazuva ano kunodakadza zvikuru.

Muchinda uyu akahwinha makwikwi ose eATP apo akaitirwa kuShenzhen, Vienna pamwe neValencia mwaka wakadarika uye akatangana nazvo gore rino apo akapinda mudanho refainari mumakwikwi eAustralian Open.

Nadal akakundwa naFognini kwemakore uye akatadza kupinda mumakwikwi esemi-fainari sezvo akakundwa naFabio Fognini nezvibodzwa 1-6 6-2 7-5 apo aiitirwa kuRio. – BBC Sport

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×