Murume (20) abatwa neveruzhinji aba mwana

Kingstone Mapupu

MURUME anobva kwaMambo Nerupiri kwaGutu, kuMasvingo — Tafadzwa Jimere (20) — akabatwa neveruzhinji ndokuzoendeswa kumapurisa mushure mekunge aba mwanakomana ane makore matatu okuberekwa kurukisheni rweMucheke F, kuMasvingo nemusi weChipiri.

Mwana uyu aitamba nevamwe vake nebhasikoro padyo nepamba pavo kuMucheke F apo paakazobiwa.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Assistant Inspector Masauso Patinyu, vanoti Jimere akasvika paive nemwana uyu achibva amupamba mukati mevamwe vake ndokutanga kutiza naye.

“Murume uyu apamba mwana uyu, akatiza naye zvakaita kuti vamwe vakomana shamwari dzemwana uyu dziridze huwi kuruzhinji rwenzvimbo iyi zvakabva zvaita kuti vanhu vamhanyidzane kutsvaga murume aiva aba mwana uyu. Pasina kure kwaakaenda, Tafadzwa Jimere akabva abatwa neruzhinji achitova nemwana uyu,” vanodaro Asst Insp Patinyu.

Nyaya iyi yakabva yasvitswa kumapurisa, Jimere ndokusungwa.

“Nekuda kwenyaya iyi, mapurisa anokurudzira vabereki nevamwe vachengeti vevana kuti vagare vakangwarira vana vavo vachiona kuti vari kutambira kupi uye vovakurudzira kutambira padyo nemisha yavo. Tinotenda veruzhinji nekugara vachidyidzana nemapurisa kuitira kurwisana nemhando dzemhosva dzose,” vanodaro Asst Insp Patinyu.

Vanoti nyaya dzekubiwa kwevana mudunhu reMasvingo dziri kuwanda zvikuru izvo zvinoda kuti nguva dzose vanhu vachengetedze vana vavo.

“Tine vana vari kushaikwa zvachose, vamwewo vachizowanikwa vakafa vakapondwa. Saka vabereki ngatichengetedzei vana vedu, kunze kwaipa uku. Tikaona vanhu vatisinganzwisise vachingomberereka munharaunda dzedu ngatimhan’arei kumapurisa kana kuvaendesa kumapurisa toga tomene,” vanodaro Asst Insp Patinyu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×