Murume (22) apondwa mudzivo repabhawa

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 22 ekuberekwa akabaiwa nebanga ndokufa mushure mekunetsana nemumwe murume apo vaive kunze kwebhawa paChikato Business Centre, kuShurugwi nguva pfupi yadarika.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nezverufu rwaMoses Pandehuni wemubhuku raPandehuni kwaMambo Nhema, kuShurugwi.

“Anofungirwa kuti ndiye akapara mhosva iyi ndiTatenda Clodius Mazivavose (29) wekuMashiri village, kwaShe Nhema muShurugwi makare. Zvinonzi ave mushakabvu uyu, Moses, akanga ari kunwa doro paChikato Business Centre neshamwari dzake uye nemukoma wake Muchengeti Pandehumi ane makore 33 ekuberekwa. Moses anonzi akanetsana neave musungwa uyu zvichitevera madaka avakanga vainawo kumashure. Moses akabva abuda kunze kwebhawa achibva ateverwa naMazivavose uyo ainge akabata banga rerudzi rweOkapi.

“Muchengeti anonzi akaedza kugadzirisa vaviri ava uye zvichibva zvaita sekuti nyaya iyi yaive yagadziriswa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti Muchengeti akazopinda mubhawa achisiya vaviri ava vari panze uye mushure memaminitsi mashoma akazoona Moses achidonhera pasi achibva amhanya kunomubatsira.

“Moses akanga ari kubuda ropa rakawanda achibva ashaya mushure memaminitsi mashomanana. Mapurisa eZRP Tongogara akabva asvika panzvimbo vachibva varonda Mazivavose uye ndokumusunga,” vanodaro Insp Mahoko.

“Tinokurudzura veruzhinji kuti vasiyane nenyaya dzekuita mhirizhonga isina maturo nekuti zhinji dzacho dzine mugumo wekurasikirwa neupenyu zvisina tsarukano,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Murume anyura vachizvitora mifananidzo

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 22 okuberekwa akafa mushure mekutsvedza uye ndokunyura mumvura pamapopoma eBridal Veil Falls ari muChimanimani National Park apo vaizvitora mifananidzo nevamwe vake vatatu. Nyasha Mashava wekuVillage…

Musambo wechitendero ucharamba uripo: Charles Charamba

Tafadzwa Zimoyo KWEMAKORE akawanda, ndiye ange ari chiso pamwe chete nemazwi emusambo wechitendero muZimbabwe. Parizvino, shasha iyi — Charles Charamba — anoti musambo uyu, uyo akazvipira kuimba muupenyu hwake hwose,…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×