Murume (22) ofemeswa moto aroora ndumurwa

Lovemore Kadzura

MURUME ane makore 22 okuberekwa, uyo akagara mwedzi mina nemusikana ane makore 16 okuberekwa semudzimai wake, ozvidemba mushure mekusungwa pamwe nekuzvuzvurudzirwa kumatare nekuda kwemhosva iyi.

Nyasha Chuma wekuMagamba kwaRusape, akatora musikana uyu apo aive parwendo rwekushanyira vabereki vake kwaMutare ndokutanga kugara naye semudzimai wake.

Amai vemwana uyu vakazomhan’ara kumapurisa zvakaita kuti Chuma asungwe.

Musungwa uyu aive asina gweta rakamumirira apo akamiswa pamberi pemutongi Mai Barbra Mateko vedare reRusape Magistrates Court.

Akabvuma mhosva yake pasina kundandama.

Mai Mateko vakamutongera kufondoka kwemaawa 520 pasina muripo.

Muchuchisi Muzvare

Faith Mutukwa vakaudza dare kuti nekugara kwaakaita nemusikana asati abva zera, Chuma akatyora chikamu cheSection 70 (1)(a) chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act (Chapter 9:23).

Pasi pemutemo uyu, imhosva kuita bonde nemunhu ane makore ekuberekwa ari pasi pe18.

“Musi wa12 Chikumi, 2025, nenguva dza10am, kwaMutare, mumhan’ari akasangana nemusungwa, ndokumupfimba uye akabvuma kuti vapinde murudo,” vanodaro Muzvare Mutukwa.

Dare rakaudzwa kuti rimwe zuva munaGunyana 2025, musikana uyu aibva kwaanogara kwaTandi, kwaRusape achienda kwaMutare uko kunogara vabereki vake.

Paakasvika pachiteshi chemabhazi

cheVengere Bus Terminus maRusape, musikana uyu akabva asangana naChuma uyo aityaira motokari.

“Mumhan’ari akapinda mumotokari ndokubva vaenda vose kumba kwemusungwa.

“Pavakasvika, Chuma akabva abvisa mumhan’ari humhandara, uyo aiwirana nazvo. Kubva musi uyu, musungwa nemumhan’ari vakaita bonde kakawanda uye kunzvimbo dzakasiyana,” vanodaro Muzvare Mutukwa.

Gure iri rakazobuda pachena apo amai vemusikana uyu vakaziva nezvenyaya iyi zvakaita kuti vamhan’are kumapurisa, Chuma ndokusungwa.

Musikana uyu akanovhenekwa nanachiremba uye gwaro racho rakabuditswa mudare seumbowo.

“Musungwa zvaakaita hazvisi pamutemo,” vanodaro Muzvare Mutukwa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×